Varoma 4
4
C: MUENZANISO WAABHURAHAMU
Abhurahamu akaruramiswa nechitendero
1Ko zvino tichati kudiiko nezvaAbhurahamu tateguru vedu paukama hweropa. 2Dai kuri kuti Abhurahamu akaruramiswa namabasa, angadai aine chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari. 3Ko Magwaro Matsvene anotii, “Anoti: Abhurahamu akatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama.” 4Zvino kumunhu anoshanda mubayiro wake haunganzi chipo asi chinhu chaanofanira kupihwa. 5Asi kumunhu asina mabasa asi achivimba nouyo anoruramisa vasiri vanamati vaMwari, chitendero chake chinoita kuti anzi akarurama. 6Saizvozvo Dhavhidhi anoti akakomborerwa zvake munhu anonzi naMwari akarurama iye asina mabasa aakaita achiti,
7“Vakakomborerwa zvavo vakaregererwa
kukanganisa kwavo,
vane zvitadzo zvavo zvakafushirwa.
8Akakomborerwa munhu asinganzi
naTenzi ane chitadzo.”
Abhurahamu akaruramiswa asati adzingiswa
9Chikomborero ichi chinonzi ndechavakadzingiswa chete here kana kuti ndechavasina kudzingiswawo? Tamboti chitendero chaAbhurahamu chakaita kuti anzi akarurama. 10Zvino zvakaitika sei kuti anzi akarurama? Akanzi akarurama asati adzingiswa here kana kuti mushure mokunge adzingiswa. Hazvina kuitika mushure mokudzingiswa asi asati adzingiswa. 11Akadzingiswa somucherechedzo unosimbisisa kuti mururami. Ururami ihwohwo akahuwana nechitendero asati adzingiswa. Chinangwa chaiva chokumuita baba wavose vanotenda vasina kudzingiswa vakanziwo vakarurama nenzira iyoyo. 12Nenzira imwecheteyo akave baba wavakadzingiswa vasina kungodzingiswa chete asi vanotevedzerawo muenzaniso wechitendero chaiva nababa vedu Abhurahamu asati adzingiswa.
Abhurahamu haana kururamiswa nokuteerera mutemo
13Abhurahamu nezvizvarwa zvake haana kutsidzirwa kuti pasi pose pachava nhaka yake pachingoteverwa zviri pamutemo zvoga asi pamusana pokururama kunobva muchitendero. 14Asi dai kuri kuti ndavavo vanotevedza zviri pamutemo vaizogara nhaka iyoyo, pakadaro chitendero hachina maturo uye chitsidzo chinobva chashaya basa 15nokuti mutemo unounza chirango asi pasina mutemo hapana kudarika mutemo.
16Saizvozvo chitsidzo ichocho chakaitwa pamusana pechitendero kuitira kuti chive chenyasha uye kuti zvibva zvanyatsosimbisiswa kuti zvizvarwa zvavo zvose zvichachiwana kwete kuna vanochengeta mutemo voga asi kuti kuna avowo vane chitendero chimwechetecho naAbhurahamu, nokuti iye ndibaba vedu tose 17sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Ndakakuita baba wamarudzi mazhinji.” Abhurahamu akava nechitendero pamberi paMwari anomutsa vakafa uye anosika zvinhu zvisati zvambovapo.
Chitendero chaAbhurahamu ndicho muenzaniso wechitendero chavakristu
18Akatenda pazvainge zvisingabviri kutarisira kuti achava baba vamarudzi mazhinji sokutaurirwa kwavakanga vaitwa zvichinzi, “Ndiko kuwanda kuchaita zvizvarwa zvako ikoko.” 19Chitendero chavo hachina kudzokera shure vachiona muviri wavo wakanga wapera basa sewakafa nokuti vakanga vava namakore anenge zana uye vachifunga kushaya mbereko kwaSara. 20Hapana kusavimba naMwari kwakamboita kuti vakahadzike nezvechitsidzo chaMwari asi vakasimbiswa muchitendero chavo, vakapa mbiri kuna Mwari. 21Vainyatsoziva kuti Mwari anogona kuita zvaakatsidza. 22Ndiko kusaka chitendero chavo chakaita kuti vanzi vakarurama. 23Asi mazwi aya anoti, “Chakaita kuti vanzi” haana kunyorerwa kuti areve ivo voga 24asi kuti areve isuwo. Nesuwo tichanzi takarurama, isu tinotenda maari iye akamutsa Jesu Tenzi wedu kuvakafa, iye akaurairwa 25zvikanganiso zvedu akamutsirwa kuti tinzi takarurama.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 4: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.