“Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya uye vachinwa, vaiwana nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka, uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro. Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe. Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri. “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira? Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake. Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose. Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’ uye ipapo otanga kurova vamwe varanda uye nokudya nokunwa nezvidhakwa. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi. Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.
Verenga chikamu Mateo 24
Terera ku Mateo 24
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 24:36-51
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo