Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 101

101
Pisarema 101
Pisarema raDhavhidhi.
1Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu;
kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.
2Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa.
Muchauya riniko kwandiri?
Ndichafamba mumba mangu
nomwoyo usina chaungapomerwa.
3Handingaisi chinhu chakaipa
pamberi pangu.
Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi;
haanganamatiri kwandiri.
4Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni;
handichazovi nechokuita nechakaipa.
5Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda,
iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare;
ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza,
iyeye handingamuregi akadaro.
6Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika,
kuti vagare neni;
iye ane mafambiro asina chaangapomerwa,
achandishumira.
7Hakuna munhu anonyengera
achagara mumba mangu;
hakuna munhu anotaura nhema
achamira pamberi pangu.
8Mangwanani oga oga ndichaita kuti
vakaipa vose vari panyika vanyarare;
ndichauraya vaiti vezvakaipa vose,
vabve muguta raJehovha.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 101: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda