Ekisodho 17:6-7
Ekisodho 17:6-7 SUB
Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa.” Mosesi akaita saizvozvo pamberi pavakuru VaIsiraeri. Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kwokurwa kwavana VaIsiraeri; uye nokuti vakaedza Jehovha, vachiti, “Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete?”

