1 VaKorinde 11:17-26
1 VaKorinde 11:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pane zvakarayirwa zvinotevera handikurumbidzei, nokuti hamuunganiri zvakanaka asi zvakaipa. Chokutanga, ndakanzwa kuti pamunoungana pamwe chete sekereke, pane kupesana pakati penyu, uye ndingangozvitenda. Nokuti dzidziso dzakatsaukana dzinofanira kuva pakati penyu, kuti zvionekwe kuti vakatendeka kuna Mwari ndavapi. Pamunoungana, hachisi chirariro chaShe chamunodya, nokuti kana modya, mumwe nomumwe wenyu anongotanga kudya asingamiriri vamwe. Mumwe anosara ane nzara, mumwewo anodhakwa. Ko, hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Kana kuti munozvidza kereke yaMwari nokunyadzisa vasina chinhu here? Zvino ndichatiiko kwamuri? Ndingakurumbidzai nokuda kwaizvozvi here? Zvirokwazvo kwete! Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.
1 VaKorinde 11:17-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana ndichikuudzai izvi, handikurumbidzii, nokuti hamuunganiri zvinopfuura nokunaka, asi zvakaipa. Nokuti shoko rokutanga, kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo. Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu. Zvino kana muchiungana pamwechete, hakuzi kuti mudye chirariro chaIshe; nokuti kana modya, mumwe nomumwe anotangira vamwe kudya chirariro chake; mumwe ane nzara, mumwe anodhakwa. Ko hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidzii. Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe icho chandakakupaiwo, kuti Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa; akati avonga, akachimedura, akati, “Uyu ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe, kusvikira achiuya.
1 VaKorinde 11:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pane zvandavakukudzidzisai iye zvino handikurumbidzei nokuti pamunoungana hapana chakanaka asi zvakaipa zvoga zvoga. Ndinodaro nokuti, chokutanga, kana maungana sesangano ndinonzwa kuti pano kukamukana kuita mapato mapato pakati penyu. Ndingangozvibvuma izvozvo, nokuti mapato anofanira kuvapo kuti vakatendeka pakati penyu vaonekwe. Kana pamunoungana hachisi chirariro chaTenzi chamunodya, nokuti pamunenge mava kudya mumwe nomumwe anozvidyira chokudya chake. Mumwe anenge ane nzara asi mumwe akadhakwa. Ndochii ichocho; hamuna dzimba dzokudyira nokunwira kana kuti kushora sangano raMwari here kana kuti kuda kudukupisa vasina chavanacho? Ndoti kudiiko kwamuri? Ndokurumbidzai here? Kwete handingakurumbidzei. Nokuti zvandakagamuchira zvichibva kuna Tenzi Jesu ndizvo zvandakakugamuchidzaiwo zvokuti Tenzi Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, akatenda ndokuchimedura akati uyu muviri wangu unopirirwa imi. Itai izvi kuti mundiyeuke nazvo. Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro, akati uyu Mukombe wechitenderano chitsva muropa rangu. Itai izvi panguva dzose dzamunounwa kuti mundiyeuke. Nokuti panguva dzose dzamunodya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu munoparidza rufu rwaTenzi kusvikira auya.
1 VaKorinde 11:17-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana ndicikuʋudzai iɀi, handikurumbidziyi, nokuti hamuʋuŋganiri ɀinopfuʋura nokunaka, asi ɀakaipa. Nokuti shoko rokutaŋga, kana muciʋuŋgana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuri’po pakati penyu; pamŋe ndinotenda kuti ndiɀo. Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuʋa pakati penyu, kuti aʋo ʋakatendeka ʋaʋonekwe pakati penyu. Ɀino kana muciʋuŋgana pamŋe cete, hakuzi kuti mudye cirayiro caShe; nokuti kana modya, mumŋe nomumŋe unotaŋgira ʋamŋe kudya cirayiro cake; mumŋe unenzara, mumŋe unoɓatwa. Ko hamunedzimba kwamuŋgadyira nokunwira here? Munoɀidza kereke yaMŋari, mucinyadzisa aʋo ʋasinecinhu here? Ndicaiteiko kwamuri? Ndiŋgakurumbidzai here? Handiŋgakurumbidziyi. Nokuti ini ndakagamucira kunaShe ico candakakupai ʋo, kuti Ishe Jesu noʋusiku bgaakapandukirwa, wakatora ciŋgwa; akati aʋoŋga, akacimeɗura, akati: Ici ndiwo muʋiri waŋgu unomeɗurirwa imi; itai iɀi mucindiraŋgarira. Saiɀoɀo ʋo, ʋakati ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo suŋgano itȿa muropa raŋgu; itai iɀi, ŋguʋa dzose kana mucinwa, mucindiraŋgarira. Nokuti ŋguʋa dzose, kana mucidya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kuȿikira aciʋuya.
1 VaKorinde 11:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)