I ƲaKorinte 11
11
1Iʋai ʋateʋeri ʋangu, seni ndiri muteʋeri waKristu.
Ʋakadzi paʋuŋgano dzekereke.
2Ɀino, ndinokurumbidzai, nokuti munondiraŋgarira paɀinhu ɀose, muciceŋgeta tsika, seɀandakakupai idzo. 3Asi ndinoɗa kuti muziʋe kuti musoro womumŋe nomumŋe ndiye Kristu; ʋuye musoro womukadzi ndiye murume; ʋuye musoro waKristu ndiye Mŋari. 4Murume mumŋe nomumŋe, unonyeŋgetera kana kuprofita musoro wake wakafukidzwa, unoninipisa musoro wake. 5Asi mukadzi mumŋe nomumŋe, unonyeŋgetera kana kuprofita musoro wake usina‐kufukidzwa, unoninipisa musoro wake; nokuti ndiɀo ɀimŋe nokuʋeʋurwa. 6Nokuti kana mukadzi asiŋgafukidzwi, ŋgaacekerwe vudzi rake ʋo; asi kana ɀisiŋgafaniri kuti mukadzi acekerwe vudzi, kana aʋeʋurwe, ŋgaafukidzwe. 7Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, ɀaari mufananidzo nokubginya kwaMŋari; asi mukadzi ndiye kubginya kwomurume. 8Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume; 9ʋuye murume haana‐kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume; 10nokuɗa kwaiɀoɀo mukadzi unofanira kuʋa neciratidzo cesimba pamusoro wake, nokuɗa kwaʋatumŋa. 11Kunyaŋge ɀakaɗaro munaShe mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume kunze kwomukadzi. 12Nokuti mukadzi seɀaanobva kumurume, nokuɗaro ʋo murume unoɓerekwa nomukadzi; asi ɀose ɀinobva kunaMŋari. 13Toŋgai imi mumene: Ɀakafanira kuti mukadzi anyeŋgetere kunaMŋari asina‐kufukidzwa here? 14Ko hamudzidziswi naiwo musikirwe waʋanhu kuti kana murume anevudzi refu, unonyadziswa naɀo here? 15Asi kana mukadzi anevudzi refu, ndiko kubginya kwake; nokuti wakapiwa vudzi rake, ciʋe cifukidzo. 16Ɀino kana mumŋe aneŋge aciɗa kuita gakaʋa, hatinetsika yakaɗaro isu, kunyaŋge kereke dzaMŋari.
Tsika dzakafanira patafura yaShe.
17Ɀino kana ndicikuʋudzai iɀi, handikurumbidziyi, nokuti hamuʋuŋganiri ɀinopfuʋura nokunaka, asi ɀakaipa. 18Nokuti shoko rokutaŋga, kana muciʋuŋgana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuri’po pakati penyu; pamŋe ndinotenda kuti ndiɀo. 19Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuʋa pakati penyu, kuti aʋo ʋakatendeka ʋaʋonekwe pakati penyu. 20Ɀino kana muciʋuŋgana pamŋe cete, hakuzi kuti mudye cirayiro caShe; 21nokuti kana modya, mumŋe nomumŋe unotaŋgira ʋamŋe kudya cirayiro cake; mumŋe unenzara, mumŋe unoɓatwa. 22Ko hamunedzimba kwamuŋgadyira nokunwira here? Munoɀidza kereke yaMŋari, mucinyadzisa aʋo ʋasinecinhu here? Ndicaiteiko kwamuri? Ndiŋgakurumbidzai here? Handiŋgakurumbidziyi. 23Nokuti ini ndakagamucira kunaShe ico candakakupai ʋo, kuti Ishe Jesu noʋusiku bgaakapandukirwa, wakatora ciŋgwa; 24akati aʋoŋga, akacimeɗura, akati: Ici ndiwo muʋiri waŋgu unomeɗurirwa imi; itai iɀi mucindiraŋgarira. 25Saiɀoɀo ʋo, ʋakati ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo suŋgano itȿa muropa raŋgu; itai iɀi, ŋguʋa dzose kana mucinwa, mucindiraŋgarira. 26Nokuti ŋguʋa dzose, kana mucidya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kuȿikira aciʋuya. 27Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unodya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe waShe, nomutoʋo usina‐kufanira, ucaʋa nemhoȿa yomuʋiri neropa raShe. 28Ɀino munhu ngaaɀiidze, kuti adye ciŋgwa ici aciɗaro, nokunwa mukombe uyu. 29Nokuti unodya nokunwa, asiŋganatsi kunzwisisa muʋiri waShe, unoɀidyira nokuɀinwira kurobga. 30Nemhaka iyi ʋazhinji ʋari’po pakati penyu ʋasinesimba, ʋanorwara; ʋazhinji ʋaʋete. 31Nokuti ɗai taiɀiidza isu timene, hatizairobga. 32Ɀino kana ticitoŋgwa, tinoraŋgwa naShe, kuti tirege kutoŋgerwa kurashwa pamŋe cete nenyika. 33Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, kana muciʋuŋganira pakudya, miriranai. 34Kana munhu anenzara, ŋgaadye kumusha kwake; kuti murege kuʋuŋganira kutoŋgwa. Ɀimŋe ɀakasara ndicaɀigadzira kana ndiciȿika.
Zvasarudzwa nguva ino
I ƲaKorinte 11: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018