I ƲaKorinte 12
12
Kusiyana kweɀipo ɀoMŋeya.
1Ɀino, kana ɀiri ɀipo ɀoMŋeya, hama dzaŋgu, handiɗi kuti muʋe ʋasiŋgaziʋi. 2Munoziʋa kuti paŋguʋa yamaiʋa ʋahedeni, makaŋga mucikweʋerwa kuɀifananidzo, ɀisiŋgagoni kutaura, seɀamaituŋgamirirwa. 3Saka ndinokuziʋisai kuti hakunomunhu unotaura noMŋeya waMŋari, uŋgati: Jesu ŋgaatukwe! Ʋuye, hakunomunhu uŋgati: Jesu ndiye Ishe, asi noMŋeya Mutȿene.
4Ɀino marudzi mazhinji eɀipo ari’po, asi Mŋeya ndomumŋe. 5Marudzi mazhinji okushumira ari’po, ʋuye Ishe mumŋe. 6Marudzi mazhinji amaɓasa ari’po, asi Mŋari mumŋe, iye unoɓata ɀose munaʋose. 7Asi mumŋe nomumŋe unopiwa kuratidzwa kwoMŋeya, kuti ʋose ʋaɓatsirwe. 8Nokuti mumŋe unopiwa noMŋeya shoko roʋucenjeri, mumŋe shoko rokuziʋa noMŋeya iwoyu; 9mumŋe, kutenda muMŋeya iwoyu; mumŋe, ɀipo ɀokuporesa muMŋeya iwoyu; 10mumŋe, kuita maɓasa esimba; mumŋe, kuprofita; mumŋe, kuziʋisisa mŋeya; mumŋe, marudzi endimi; mumŋe kuɗudzira ndimi; 11asi iɀi ɀose ɀinoitwa noMŋeya iwoyu mumŋe cete, unogoʋera mumŋe nomumŋe seɀaanoɗa.
Mitezo mizhinji asi muʋiri mumŋe.
12Nokuti somuʋiri uri mumŋe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuʋiri, kunyaŋge iri mizhinji, muʋiri ndomumŋe cete; wakaɗaro ʋo Kristu. 13Nokuti muMŋeya mumŋe isu tose takabapatidzirwa mumuʋiri mumŋe; kana tiri ʋaJuda, kana ʋaGiriki, kana ʋaranda, kana ʋakasunuŋguka; isu tose takanwiswa paMŋeya mumŋe. 14Nokuti muʋiri hauzi mutezo mumŋe, asi mizhinji. 15Kana rutsoka rukati: Ɀandisati ndiri ruʋoko, handizi womuʋiri; ko haruzi rwomuʋiri, ɀarwaɗaro here? 16Nenzeʋe kana ikati: Ɀandisati ndiri ziso, handizi womuʋiri; ko haizi yomuʋiri here? 17Kana muʋiri wose raiʋa ziso, kunzwa kwaiʋepiko? Kana wose kwaiʋa kunzwa, kunhuwidza kwaiʋepiko? 18Asi ɀino Mŋari wakaisa mutezo mumŋe nomumŋe pamuʋiri seɀaakaɗa. 19Kana yose waiʋa mutezo mumŋe, muʋiri waiʋepiko? 20Asi ɀino kunemitezo mizhinji, asi muʋiri mumŋe. 21Ziso hariŋgati kuruʋoko: Handikuɗi; kana musoro ʋo kutsoka: Handikuɗiyi imi. 22Kwete, ɀikuru mitezo iyo yomuʋiri ineŋge isinesimba, ndiyo inoɗikanwa; 23nemitezo iyo yomuʋiri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwaɀo; nemitezo iyo yeɗu isina‐kunaka, ndiyo yoʋa nokunaka kunopfuʋurisa; 24asi mitezo yeɗu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mŋari wakaɓatanidza muʋiri wose, akakudza nokupfuʋurisa mitezo inoshaiwa kunaka; 25kuti pamuʋiri parege kuʋa nokupesana; asi kuti mitezo iceŋgetane ɀakaenzana. 26Kana mutezo mumŋe ucitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamŋe cete nawo; kana mutezo mumŋe ucikudzwa, mitezo yose inofara pamŋe cete nawo. 27Ɀino, imi muri muʋiri waKristu, nomumŋe nomumŋe mitezo yawo. 28Mŋari wakaisa ʋamŋe pakereke, pakutaŋga ʋaapostora, rwecipiri ʋaprofita, rwecitatu ʋadzidzisi, teʋere ʋaiti ʋamaɓasa esimba, teʋere ɀipo ɀokuporesa, naʋaɓatsiri, naʋaɓati, namarudzi mazhinji endimi. 29Ʋose ʋaapostora here? Ʋose ʋaprofita here? Ʋose ʋadzidzisi here? Ʋose ʋaiti ʋamaɓasa esimba here? 30Ʋose ʋaneɀipo ɀokuporesa here? Ʋose ʋanotaura nendimi here? Ʋose ʋanoɗudzira here? 31Asi shiŋgairirai ɀipo ɀikuru.
Ndinokuratidzai ʋo nzira yakaiȿo‐naka inopfuʋura dzose.
Zvasarudzwa nguva ino
I ƲaKorinte 12: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018