1 Johani 2:15-16
1 Johani 2:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza kwemunhu nokuda kwezvaanazvo nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika.
1 Johani 2:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwemeso nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika.
1 Johani 2:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usatorwe mwoyo nenyika kana nezvinhu zvenyika. Kana munhu akada nyika kuda Baba hakumo maari nokuti zvose zviri panyika zvinoti: ruchiva rwenyama nemesomeso, kana kuzvikudza paupenyu, hazvibvi kuna Baba, zvinobva kunyika.
1 Johani 2:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musaɗa nyika kunyaŋge neɀinhu ɀiri munyika. Kana munhu aciɗa nyika, ruɗo rwaƂaɓa haruzi maari. Nokuti ɀose ɀiri munyika, ɀinoti, kuciʋa kwenyama, nokuciʋa kwameso, nokuɀikudza kwoʋupenyu, haɀibvi kunaƂaɓa, asi panyika.
1 Johani 2:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Usatorwe mwoyo nenyika kana nezvinhu zvenyika. Kana munhu akada nyika kuda Baba hakumo maari nokuti zvose zviri panyika zvinoti: ruchiva rwenyama nemesomeso, kana kuzvikudza paupenyu, hazvibvi kuna Baba, zvinobva kunyika.