1 Madzimambo 11:4 - Compare All Versions
1 Madzimambo 11:4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Soromoni akati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake akatevera vamwe vamwari, uye mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake.
1 Madzimambo 11:4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsautsa mwoyo wake kuti atevere vamwe vamwari; mwoyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake.
1 Madzimambo 11:4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
nokuti Soromoni paakanga zvino akwegura vakadzi vake ivava vakamukwezvera mwoyo kuna vamwari vavo. Akanga asisatevere Tenzi, Mwari wake nomwoyo wose sababa vake Dhavhidhi.
1 Madzimambo 11:4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti Soromoni wakati akwegura, ʋakadzi ʋake ʋakatsausa mŋoyo wake kuti ateʋere ʋamŋe ʋamŋari; mŋoyo wake hauna‐kuzoʋa wakarurama kwaɀo kunaJehova Mŋari wake, seɀakaŋga ɀakaita mŋoyo waDavidi ɓaɓa ʋake.
1 Madzimambo 11:4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti Soromoni paakanga zvino akwegura vakadzi vake ivava vakamukwezvera mwoyo kuna vamwari vavo. Akanga asisatevere Tenzi, Mwari wake nomwoyo wose sababa vake Dhavhidhi.