1 Madzimambo 18:21 - Compare All Versions
1 Madzimambo 18:21 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.” Asi vanhu havana chavakataura.
1 Madzimambo 18:21 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Eria akaswedera kuvanhu vose, akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.” Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe.
1 Madzimambo 18:21 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Eriya akaenda pedyo navanhu vose akati, “Munoda kusvikira riniko muchingova nemwoyo miviri? Kana Tenzi, ari iye Mwari wenyu muteverei, kana ari Bhaari teverai iyeyo.” Vanhu havana chavakamupindura.
1 Madzimambo 18:21 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Eria akasweɗera kuʋanhu ʋose, akati: Mucaramba mucifuŋga mifuŋgo miʋiri kuȿikira riniko? Kana Jehova ari Mŋari, mumuteʋere, kana ari Baari, mumuteʋere iye. Asi ʋanhu haʋana‐kupindura shoko rimŋe.
1 Madzimambo 18:21 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya akaenda pedyo navanhu vose akati, “Munoda kusvikira riniko muchingova nemwoyo miviri? Kana Tenzi, ari iye Mwari wenyu muteverei, kana ari Bhaari teverai iyeyo.” Vanhu havana chavakamupindura.