1 Madzimambo 18:27 - Compare All Versions
1 Madzimambo 18:27 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ava masikati, Eria akatanga kuvatuka akati, “Danidzirisai! Zvirokwazvo ndimwari! Zvichida ari kufunga zvakadzama kwazvo, kana kuti ane basa kwazvo, kana kuti ari parwendo. Zvimwe akavata zvokuti anotofanira kumutswa.”
1 Madzimambo 18:27 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino panguva yamasikati makuru Eria akavaseka, akati, “Danidzirai kwazvo; nokuti mwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe waenda kumwe, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa.”
1 Madzimambo 18:27 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Kuzoti zvino ava masikati zuva rorova nhongonya, Eriya akavaseka zvake achiti, “Zhambai nokuti ndimwari zvimwe mheno zvaari kumbofunga hake kana kuti hameno paangotiwo zvake nzve-e. Zvimwe angadaro akafamba rwendo kana kuti ari akakotsira zvake anenge achifanira kutomutsvaka.”
1 Madzimambo 18:27 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino paŋguʋa yamasikati makuru Eria akaʋaseka, akati: Ƌanidzirai kwaɀo; nokuti mŋari, ɀimŋe uri pakufuŋga, ɀimŋe waenda kumŋe, ɀimŋe wafamba rwendo, kana ɀimŋe uʋete hake, unofanira kumutswa.
1 Madzimambo 18:27 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)