1 Madzimambo 3:13 - Compare All Versions
1 Madzimambo 3:13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvo, ndichakupawo zvausina kukumbira, zvose upfumi nokukudzwa, zvokuti muupenyu hwako hapana mumwe anozoenzana newe pakati pamadzimambo.
Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 3 BDSC1 Madzimambo 3:13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndakupawo zvausina kukumbira, pfuma nokukudzwa; naizvozvo hakungazovi mumwe pakati pamadzimambo ungafanana newe pamazuva ako ose.
Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 3 SNA20021 Madzimambo 3:13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Uye ndinokupawo zvimwe zvausina kukumbira zviviri izvi zvinoti upfumi nechiremera zvokuti hapana mumwe mambo angazomboenzaniswawo newe upenyu hwako hwose.
Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 3 SCLBD1 Madzimambo 3:13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndakupa ʋo ɀausina‐kukumbira, fuma nokukudzwa; naiɀoɀo hakuŋgazoʋi mumŋe pakati pamadzimambo uŋgafanana newe pamazuʋa ako ose.
Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 3 SUB19491 Madzimambo 3:13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uye ndinokupawo zvimwe zvausina kukumbira zviviri izvi zvinoti upfumi nechiremera zvokuti hapana mumwe mambo angazomboenzaniswawo newe upenyu hwako hwose.
Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 3 SCLB