1 Samueri 13:13-14
1 Samueri 13:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Samueri akati, “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako; dai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pamusoro peIsraeri kwenguva yose. Asi iye zvino umambo hwako hahuchagari; Jehovha azvitsvakira munhu anofadza mwoyo wake, akamugadza kuti ave mutungamiri wavanhu vake, nokuti hauna kuchengeta murayiro waJehovha.”
1 Samueri 13:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Samueri akati kuna Sauro, “Waita sebenzi; hauna kuchengeta murayiro waJehovha Mwari wako, waakanga akuraira; nokuti zvino Jehovha wakanga achida kusimbisa ushe hwako pakati pavaIsiraeri nokusingaperi. “Asi zvino ushe hwako hahungagari; Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza mwoyo wake, Jehovha akamugadza ave mutungamiriri wavanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warairwa naJehovha.”
1 Samueri 13:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Samueri ndokuti kuna Sauro, “Waita zvoupenzi, hauna kuchengeta mutemo waTenzi, Mwari wako waakakupa. Dai wanga wauchengeta Tenzi angadai azotsigisa umambo hwako hweIsiraeri kuti huvepo narini wose. Asi zvino umambo hwako hauchaenderera mberi. Tenzi atotsvaka mumwe murume wepamwoyo pake. Saka Tenzi atomusarudza kuti ave mutungamiriri wavanhu vake nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanzi naTenzi uite.”
1 Samueri 13:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Samueri akati kunaSauro: Waita seɓenzi; hauna‐kuceŋgeta murairo waJehova Mŋari wako, waakaŋga akuraira; nokuti ɀino Jehova wakaŋga aciɗa kusimbisa ʋushe bgako pakati paʋaIsraeri nokusiŋgaperi. Asi ɀino ʋushe bgako habguŋgagari; Jehova wakaɀitȿakira munhu unofadza mŋoyo wake, Jehova akamugadza aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋake, nokuti iwe hauna‐kuceŋgeta ɀawakaŋga warairwa naJehova.
1 Samueri 13:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)