1 Samueri 24:7 - Compare All Versions
1 Samueri 24:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Namashoko aya Dhavhidhi akatsiura vanhu vake akasavatendera kuti varwise Sauro. Zvino Sauro akabva pabako akaenda hake.
Pakurirana nevamwe
1 Samueri 24 BDSC1 Samueri 24:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Dhavhidhi akadzivisa vanhu vake namashoko iwayo, akasavatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akabuda mubako, akaenda hake.
Pakurirana nevamwe
1 Samueri 24 SNA20021 Samueri 24:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Dhavhidhi akadzora vanhu vake namazwi iwaya akavarambidza kurwisa Sauro. Sauro akasimuka akabuda mubako muya oenda zvake.
Pakurirana nevamwe
1 Samueri 24 SCLBD1 Samueri 24:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Naiɀoɀo Davidi akadziʋisa ʋanhu ʋake namashoko iwayo, akasaʋatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akaɓuɗa muɓako, akaenda hake.
Pakurirana nevamwe
1 Samueri 24 SUB19491 Samueri 24:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akadzora vanhu vake namazwi iwaya akavarambidza kurwisa Sauro. Sauro akasimuka akabuda mubako muya oenda zvake.
Pakurirana nevamwe
1 Samueri 24 SCLB