1 Samueri 4:18
1 Samueri 4:18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati acireʋa areka yaMŋari, Eri akawa pacigaro negotsi kurutiʋi rwesuʋo, akavunika mutsipa, akafa; nokuti wakaŋga aʋa mutana, anomuʋiri mukobvu. Wakaŋga atoŋga ʋaIsraeri makore makumi manna.
1 Samueri 4:18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Paakataura nezveareka yaMwari, Eri akawa negotsi kubva pachigaro chake parutivi rwesuo. Mutsipa wake wakatyoka akabva afa nokuti aiva murume akanga akwegura uye ari mukobvu. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi mana.
1 Samueri 4:18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino wakati achireva areka yaMwari, Eri akawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuo, akavhunika mutsipa, akafa; nokuti wakanga ava mutana, ano muviri mukobvu. Wakanga atonga vaIsiraeri makore makumi mana.
1 Samueri 4:18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakangodoma Bhokisi raMwari, Eri akanga agere pachigaro munyasi mesuo guru akabva ati namanhede re-ezu pasi gwajara, mutsipa ndokubva wati pipfu, ndiye sarai. Zviripo ndezvokuti vakanga akwegurawo, uye akanga akafuta. Akanga atonga vaIsiraeri kwamakumi mana amakore.
1 Samueri 4:18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)