2 Makoronike 32:7-8
2 Makoronike 32:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwamambo weAsiria nehondo huru yaanayo, nokuti kune simba guru kwatiri kupinda raanaro. Iye ane ruoko rwenyama chete, asi isu tina Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire uye anotirwira hondo dzedu.” Vanhu vakawana kusimbisiswa nokushinga kubva pane zvakanga zvataurwa naHezekia mambo weJudha.
2 Makoronike 32:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ivai nesimba, mutsunge mwoyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nokuti anesu mukuru kune waanaye iye; iye unoruoko rwenyama, asi anesu ndiJehovha Mwari wedu, kuzotibatsira nokurwa navavengi vedu.” Vanhu vakavimba namashoko aHezekia mambo waJudha.
2 Makoronike 32:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Shingai mutsunge mwoyo! Musambotya zvenyu kana kuzeza mambo weAziriya kana gurusvusvu ravanhu raauya naro. Watinaye mukuru pane wavanaye. Simba raanaro isimba ravanhu asi watinaye isu ndiTenzi, Mwari wedu wokutibatsira nokutirwira hondo dzedu.” Vanhu vakasimbaradzwa mwoyo nemazwi aHezekiya mambo wokwaJudha.
2 Makoronike 32:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iʋai nesimba, mutsuŋge mŋoyo, regai kutya kana kuvunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi paʋazhinji ʋose ʋaanaʋo; nokuti une’su mukuru kunowaanaye iye; iye unoruʋoko rwenyama, asi une’su ndiJehova Mŋari weɗu, kuzotiɓatsira nokurwa naʋaʋeŋgi ʋeɗu. Ʋanhu ʋakaʋimba namashoko aHezekia mambo waJuda.
2 Makoronike 32:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)