2 Nhoroondo 32
32
VaAsiria vanotyisidzira Jerusaremu
(2 Madzi 18:13–37; 19:14–19,35–37; Isa 36:1–22; 37:8–38)
1Mushure mezviito zvakatendeka kudai Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa Judha akakomba maguta etsvingo aine pfungwa yokuakurira kuti aaite ake. 2Pakaona Hezekiya kuti Senakeribhu akanga auya achida kuzorwisa Jerusaremu, 3akarangana namakurukota ake navarume vokwake, magamba okurwa hondo kuti vamise mvura yezvisipiti zvaiva kunze kweguta vakamubatsira. 4Vanhu vazhinji kwazvo vakaungana vakamisa zvisipiti zvose nekakova kaiyerera nomunyika umu vachiti, “Iwo madzimambo eAsiria angasvikowanirei paine mvura yakawanda kudai?” 5Hezekiya akatsunga mwoyo akavakiridza rusvingo rwose rwakanga rwapazika pamusoro pedzinharire akapasimudza. Kunze kwarwo akavaka rumwe rusvingo akabva asimbisa Chimudhuri cheMavhu chiya chomuguta raDhavhidhi. Akagadzirawo zvombo zvehondo nenhoo zvakawanda kwazvo. 6Akasarudza vakuru vakuru vokuhondo akavakokorodzera kwaari panhandare yepasuo guru reguta iri akataura navo zvakavafadza mumwoyo achiti, 7“Shingai mutsunge mwoyo! Musambotya zvenyu kana kuzeza mambo weAziriya kana gurusvusvu ravanhu raauya naro. Watinaye mukuru pane wavanaye. 8Simba raanaro isimba ravanhu asi watinaye isu ndiTenzi, Mwari wedu wokutibatsira nokutirwira hondo dzedu.” Vanhu vakasimbaradzwa mwoyo nemazwi aHezekiya mambo wokwaJudha.
9Mushure mezvizvi, Senakeribhu mambo weAsiria ainge akakomba guta reRakishi nehondo yake yose, akatumira makurukota ake kuna Hezekiya mambo wokwaJudha nokuvanhu vose vokwaJudha vaiva muJerusaremu achiti, 10“Senakeribhu mambo weAsiria ati, ‘Unoinzwa neiko chaicho chaungamire nacho pakukombwa kweJerusaremu uku?’ 11Hakusi kufurirwa zvenyu here naHezekiya kwamuri kuitwa uku kuti akuurayisei zvenyu nenzara nenyota achikutii, ‘Tenzi, Mwari wedu achatinunura mumaoko amambo weAsiria?’ 12Haasiye here Hezekiya mumwecheteyo akabvisa nzvimbo dzake dzakatunhumara dzokuteurira akatemera Judha neJerusaremu chirevo chokuti, ‘Pamberi peatari imwechete iyoyi iyi ndopamava kufanira kuzopfugamira nokupisira zvibayiro zvenyu pairi iyoyi iyi?’ 13Hamuzive here zvakaitwa neni nemadzibaba angu kumarudzi ose edzimwe nyika? Vamwari vamarudzi acho enyika idzodzo vakanga vachimbokwanisa here kununura nyika dzavo mumaoko angu? 14Pana vamwari vemarudzi iwayo akanyatsoparadzwa nemadzibaba angu, ndoupi akakwanisa kununura vanhu vake mumaoko mangu zvokuti Mwari wenyu angazokwanisawo kutokununurai mumaoko angu? 15Saka zvino regai kunyengedzwa kana kufurirwa naHezekiya kudai. Regai kuvimba naye nokuti hakuna mwari worumwe rudzi rwevanhu kana weimwe nyika ipi zvayo akagona kununura vanhu vake mumaoko angu kana mumaoko emadzibaba angu. Ndoda, kutozoti iye Mwari wenyu pakepowo, ndiye angazokununurai iyeyo mumaoko angu?”
16Makurukota ake akatopfuura ipapo kutafurira Tenzi Mwari nomuranda wake Hezekiya. 17Iye akatonyora tsamba dzokushora Tenzi, Mwari weIsiraeri achimutafurira achiti, “Sezvakangoitawo vamwari vevanhu vedzimwe nyika vasina kugona kununura vanhu vavo mumaoko mangu ndozvimwechetezvo naMwari waHezekiya haagone kununura vanhu vake mumaoko mangu.” 18Vakazhamba nomutauro wechiJudha kuvanhu vomuJerusaremu vakanga vari parusvingo kuvatyisidzira nokuvapinza mweya wokutya kuitira kuti vatore guta iroro variite ravo. 19Vakataura nezvaMwari weJerusaremu samatauriro avaingaitewo zvavo nezvevamwari vamarudzi evanhu vepasi pano vokugadzirwa zvavo namaoko avanhu.
20Mambo Hezekiya nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakanamata naizvozvi vachitsvitsa chichemo ichocho kumatenga. 21Tenzi akatuma mutumwa akauraya magamba okurwa hondo navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vokuhondo vose kumatendhe amambo weAsiria. Naizvozvo akadzokera kunyika kwake adonha uso nokunyara. Paakapinda mumba yamwari wake vana vake chaivo vokubereka vakabva vamuuraira imomo nebakatwa.
22Tenzi akanunura Hezekiya navagari vomuJerusaremu mumaoko aSenakeribhu mambo weAsiria uye mumaoko evavengi vake vose akavapa vamwe kumativi ose. 23Vazhinji vakaunza zvipo kuna Tenzi kuJerusaremu nezvinhu zvinokosha kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvokuti akaremekedzwa pane marudzi ose mushure maizvozvo.
Chirwere chaHezekiya uye nokuzvikudza kwake
(2 Madzi 20:1–3,12–19; Isa 38:1–3; 39:1–8)
24Namazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuda kufa. Akanamata kuna muTenzi. Iye akamupindura nechiratidzo. 25Asi Hezekiya haana kutirimuka kutendawo zvakanaka zvaakanga aitirwa nokuti akanga ava nemwoyo wokuzvikudza. Naizvozvo Mwari akamushatirirwa iye nenyika yokwaJudha neJerusaremu. 26Asi Hezekiya, pakuzvikudza kwake kuye akazozvidukupisa pamwechete navagari vomuJerusaremu zvokuti Tenzi haanawo kuzovavirukira nehasha pamazuva oupenyu hwaHezekiya.
Upfumi hwaHezekiya nomukurumbira wake
27Hezekiya aiva noupfumi hwakawanda kwazvo achiremekedzwa zvikuru kwazvo. Akazvigadzirira dzimba dzokuchengetera upfumi hwesirivha nendarama nematombo akakosha nemetunonhuwirira nemenhoo nememhando nemhando dzemidziyo yakakosha 28namaturawo embesanwa dzinenge dzabva muminda nemokuchengetera waini namafuta eorivhi namatanga okuchengetera zvipfuwo zvemhando nemhando dzakasiyana nezvirugu zvehwai. 29Akazvigadzirirawo maguta akava nezvipfuwo nemombe dzakawanda kwazvo nokuti Mwari akanga amupa upfumi hwakawanda. 30Hezekiya wakareyu ndiyezve akadzivirira mvura yokuGihoni paye payaibuda napo nechokumusoro, akaiendisa kumadokero kweGuta raDhavhidhi. Hezekiya akabudirira kwazvo pamabasa ake ose. 31Panyaya yenhumwa dzamakurukota okuBhabhironi vaiva vatumwa kwaari kuzonzwa nezvechiratidzo chakanga chaitika munyika imomo, Mwari akambomusiya kuti azvionere achimuedza kuti aone chaizvoizvo kuti munhu ane mwoyo wakadii.
Rufu rwaHezekiya
(2 Madzi 20:20–21)
32Inga dzimwe nyaya dzezvaHezekiya nezviito zvake zvakanaka zvakanyorwa wani mune zvakazarurirwa muporofita Isaya mwanakomana waAmozi zviri muBhuku reMadzimambo okwaJudha neokwaIsiraeri. 33Hezekiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake. Vakamuviga pamukwidza pane makuva evanakomana vokwaDhavhidhi. Parufu rwake, vokwaJudha vose navagari vomuJerusaremu vakamuviga zvine chiremera. Mwanakomana wake Manase ndiye akazotonga panzvimbo yake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 32: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.