Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Nhoroondo 31

31
Kugadzirisa kwakaitwa zvokunamata namambo Hezekiya
1Kuzoti zvose izvozvi zvapera vaIsiraeri vose vaivepo vakaenda kumaguta ose okwaJudha vakapwanya mabwe ose aiva akamisirwa kunamata, vakatemera pasi zvifananidzo zvokunamata zviAshera. Vakapaza nzvimbo dzokatunhumara dzokuteurira neatari dzacho maJudha mose nokwaBhenjamini nokwaEfuremu nokwaManase kusvikira vazviparadza zvose. Vanhu vose veIsiraeri vakadzokera kumaguta avo munhu wose achienda kumusha kwake. 2Hezekiya akaronga vapristi nevaRevhi muzvikwata maerano nebasa romunhu woga woga, vapristi navaRevhi vemipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana kwouya vokushanda pamisuo mikuru yepamana paTenzi kwozouya vokutenda nokumurumbidza. 3Zvakanga zvabviswa namambo zviya zvaakatora pazvinhu zvake zvaiva zvemipiro yokupisa iri mipiro yokupisa yamangwanani neyamanheru nemipiro yokupisa yepamaSabata neyoKugara kweMwedzi neyemamwewo mazuva makuru akatemwa sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waTenzi.
4Hezekiya akatemera vanhu vaigara muJerusaremu chirevo chokuti vabvise mugove unofanira kupiwa vapristi navaRevhi kuitira kuti ivo vagone kuisa mwoyo pamutemo waTenzi. 5Pakangopararira chirevo ichocho vanhu veIsiraeri vakapa zvinhu zvakawanda kwazvo zvembesanwa dzokutanga newaini namafuta eorivhi nouchi nezvimwe zvose zvomuminda. Vakauya nezvinhu zvakawanda kwazvo zvechegumi chezvinhu zvose. 6Vanhu vokwaIsiraeri nevokwaJudha vaigara mumaguta okwaJudha vakauyawo nezvegumi zvemombe nehwai nezvimwe zvakateketerwa kuna Mwari zvakanga zvaturirwa kuna Tenzi, Mwari wavo, vakazviunganidza kuita mirwi. 7Mumwedzi wechitatu ndomavakatanga kuzviunganidza kuita mirwi vakabva vazopedza mumwedzi wechinomwe. 8Hezekiya nemachinda aye pavakauya vakaona mirwi iyoyi vakarumbidza Tenzi vakakomborerawo vanhu vake veIsiraeri. 9Hezekiya akabvunza vapristi nevaRevhi nezvemirwi iyoyo. 10Azariya mupristi mukuru vaiva vemba yokwaZadhoki vakamupindura vachiti, “Kubvira pakatanga vanhu kuunza zvipo zvavo kumba yaTenzi, takadya tikaguta tikatosiya zvimwe zvakawanda nokuti Tenzi akakomborera vanhu vake zvokuti tine dura iri guru rezvakasara.”
11Hezekiya ndokuvaudza kuti vagadzire dzimba mumba yaTenzi. Ivo ndokubva vadzigadzira. 12Vanhu vaiunza zvavaibvisa izvi vari pachokwadi pamwechete nezvegumi nezvimwe zvakateketererwa kuna Mwari. Mukuru mukuru wavo vose aiva Konaniya muRevhi, achitevedzerwa naShimei mukoma nomunun'una naye. 13Izvozvo Jehieri naAzaziya naNahati naAsaheri naJerimoti naJozabhadhi naErieri naIsimakiya naMahati naBhenaya ndovaiva vatariri vachibatsira Konaniya naShimei mukoma nomunun'una naye uya, vakanga vatoita zvokusarudzwa namambo Hezekiya naAzariya mukuru mukuru wapamba paTenzi. 14Kore mwanakomana waImuna muRevhi uya wokuchengetedza kusuo guru rokuMabvazuva ndiye akapiwa basa rokutarira mipiro iya yokupa kuna Tenzi nechido nokugovera zvinenge zvapirwa kuna Tenzi nemipiro inoeresesa. 15Edheni naMiniyamini naJeshua naShemaya, naAmariya naShekaniya vaivawo vanhu vari pachokwadi naTenzi vachimubatsira mumaguta avapristi kugova migove kuhama dzavo, kumukuru nomudiki zvimwechetezvo, chikwata nechikwata, 16tisingaverengi zvedu vaya vakanyorwa mazita chizvarwa nechizvarwa vechirume, kubvira pamakore matatu okuberekwa zvichikwira, vose vari vokupinda mumba yaTenzi maererano nebasa rainge richidiwa zuva iroro pabasa ravo zvichienderanawo nebasa ravo chikwata nechikwata. 17Manyorerwo aiitwa vapristi mazita, aiva okutevedza dzimba dzamadzibaba avo. VaRevhi kubvira pamakumi maviri amakore zvichikwira, vainyorwa maererano namabasa avo muzvikwata zvavo. 18Vapristi vainyorwa pamwechete navana vavo vaduku namadzimai avo navana vavo vakomana navasikana gungano rose pamusana pokuti vaifanira kuva vanhu vari pachokwaki vanogara vakazvichenura kuitira zvinhu zvinoera. 19Kune vanakomana vokwaAroni, vapristi vaigara kumafuro amaguta avo kwaiva navarume vakadomwa namazita vakapiwa basa mumaguta akasiyana-siyana rokugova mugove kune wose wechirume mukati mavapristi nokune munhu wose mukati mavaRevhi vose vainge vanyorwa.
20Hezekiya akaita saizvozvi maJudha mose. Pana Tenzi, Mwari wake akaita zvakanaka zvakarurama nezviri pachokwadi. 21Basa rose raaiitira imba yaMwari maererano nomutemo nemirao achitsvaka Mwari wake, aiita nomwoyo wose zvichibva zvabudirira.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Nhoroondo 31: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda