Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 22:19 - Compare All Versions

2 Madzimambo 22:19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuti mwoyo wako wakanga uri munyoro uye ukazvininipisa pamberi paJehovha pawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, kuti vachatukwa uye kuti vachaitwa dongo, uye nokuti wakabvarura nguo dzako ukachema pamberi pangu, ndakunzwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 22 BDSC

2 Madzimambo 22:19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

mwoyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paJehovha, nguva yawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, kuti vachaitwa dongo nechinhu chakatukwa, wakabvarura nguo dzako, wakachema pamberi pangu;’ zvino zvanzi naJehovha, ‘Ini ndakunzwawo.’

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 22 SNA2002

2 Madzimambo 22:19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

ukazvirerekawo pana Tenzi, pamakanzwa zvandakataura zvandichaita kunzvimbo ino nokuvagari vayo kuti ichava renje nenzvimbo yakarengererwa rushambwa. Wakabvarura hanzu dzako ukachema pandiri, uye Tenzi anoti, chichemo chako ndakachinzwa.

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 22 SCLBD

2 Madzimambo 22:19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

mŋoyo wako ɀawakaŋga uri munyoro, ukaɀininipisa pamberi paJehova, ŋguʋa yawakanzwa ɀandakataura pamsoro penɀimbo iyi, napamsoro paʋagere’mo, kuti ʋacaitwa ɗoŋgo necinhu cakatukwa, ukabvarura ŋguʋo dzako, ukacema pamberi paŋgu; ɀino ɀanzi naJehova: Ini ndakunzwa ʋo.

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 22 SUB1949

2 Madzimambo 22:19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

ukazvirerekawo pana Tenzi, pamakanzwa zvandakataura zvandichaita kunzvimbo ino nokuvagari vayo kuti ichava renje nenzvimbo yakarengererwa rushambwa. Wakabvarura hanzu dzako ukachema pandiri, uye Tenzi anoti, chichemo chako ndakachinzwa.

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 22 SCLB