II Madzimambo 22:19
II Madzimambo 22:19 SUB1949
mŋoyo wako ɀawakaŋga uri munyoro, ukaɀininipisa pamberi paJehova, ŋguʋa yawakanzwa ɀandakataura pamsoro penɀimbo iyi, napamsoro paʋagere’mo, kuti ʋacaitwa ɗoŋgo necinhu cakatukwa, ukabvarura ŋguʋo dzako, ukacema pamberi paŋgu; ɀino ɀanzi naJehova: Ini ndakunzwa ʋo.

