2 Timoti 4:3-4
2 Timoti 4:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo. Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano.
2 Timoti 4:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachazviunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo, vachifuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitsaukira kungano.
2 Timoti 4:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti nguva iri kuuya vanhu pavanenge vasisadi chidzidziso chechokwadi vave nenzeve dzinovava vachizviunganidzira vadzidzisi vanowirirana nezvavanoda. Vachafuratira chokwadi votendeukira kune zvengano.
2 Timoti 4:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ŋguʋa icaȿika yaʋacaramba kutendera dzidziso yakarurama, asi, ʋaciɗa kufadzwa panzeʋe dzaʋo, ʋacaɀiʋuŋganidzira ʋadzidzisi pakuciʋa kwaʋo, ʋacifuratidza nzeʋe dzaʋo paɀokwaɗi, ʋacitsaukira kuŋgano.