Mabasa 19:11-12
Mabasa 19:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
NaMwari akaita masimba anoshamisa namaoko aPauro, nokudaro micheka nenguo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda.
Mabasa 19:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro, zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari.
Mabasa 19:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akaita minana inoshamisa kwazvo namaoko aPauro zvokuti mahengechepfu kana maepuroni zvainge zvamboguma pamuviri pake zvaitorwa zvichiendwa nazvo kuvarwere. Matenda aibva, apera mweya yakaipa ichibva mavari.
Mabasa 19:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
NaMŋari wakaita masimba anoshamisa namaʋoko aPauro, nokuɗaro miceka neŋguʋo, ɀaibva pamuʋiri wake, ɀaiiswa kuʋarwere, hosha dzikabva kwaʋari, nemŋeya yakaipa ikaɓuɗa.
Mabasa 19:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)