Mabasa 25:6-7
Mabasa 25:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati apedza mazuva masere kana gumi navo, akaburuka akaenda kuKesaria, uye zuva rakatevera akaunganidza vedare akarayira kuti Pauro auyiswe pamberi pake. Pauro akati asvika, vaJudha vakanga vabva kuJerusarema vakamira vakamukomberedza, vachimupomera mhosva dzakaipisisa, dzavakanga vasingakwanisi kusimbisa.
Mabasa 25:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akati garei mazuva asingapfuuri masere kana gumi, akadzika kuSezaria. Ramangwana acho agara pachigaro chake chokutonga akati Pauro aunzwe. Paakauya, vaJudha vakanga vadzika vachibva kuJerusaremu vakamukomba vachimupomera mhosva zhinji dzakaipisisa dzavakanga vasingagoni kuburitsa chokwadi chadzo.
Mabasa 25:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akagara pakati pavo mazuva asingapfuuri masere kana gumi, ndokuburukira Kesaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akarayira kuti vauye naPauro. Akati asvika, vaJudha vakabva Jerusaremu, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa.
Mabasa 25:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akagara pakati paʋo mazuʋa asiŋgapfuʋuri masere kana gumi, ndokuɓurukira Kesaria; fume maŋgwana akagara pacigaro cokutoŋga, akaraira kuti ʋaʋuye naPauro. Wakati aȿika, ʋaJuda ʋakabva Jerusarema, ʋakamukomba, ʋakamupomera mhoȿa zhinji dzakaipa, dzaʋakaŋga ʋasiŋgagoni kusimbisa.
Mabasa 25:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)