Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 10:19 - Enzanisa Shanduro Dzose

Dhanieri 10:19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Akati, “Usatya, iwe munhu anokudzwa zvikuru. Rugare! Iva nesimba zvino, simba.” Paakataura neni, ndakabva ndasimba ndikati, “Taurai Ishe wangu, sezvo mandipa simba.”

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 10 BDSC

Dhanieri 10:19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Akati, ‘Iwe murume anodikanwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba.’ Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, ‘Ishe wangu ngaataure hake, nokuti makandisimbisa.’

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 10 SNA2002

Dhanieri 10:19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Akati: Iwe murume unoɗikanwa kwaɀo, usatya hako; rugare ruʋe newe, iʋa nesimba, iʋa nesimba. Ɀino wakati acitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati: Ishe waŋgu ŋgaataure hake, nokuti makandisimbisa.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 10 SUB1949

Dhanieri 10:19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Akati, “Nhaiwe, munhu wapamwoyo chaiyechaiye, usatye, rugare ngaruve newe. Shinga utsunge mwoyo.” Paakataura kwandiri ndakabva ndasimbaradzwa ndokubva ndati, “Changamire chiregai nditaure nemi nokuti mandisimbaradza.”

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 10 SCLB

Dhanieri 10:19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Akati, “Nhaiwe, munhu wapamwoyo chaiyechaiye, usatye, rugare ngaruve newe. Shinga utsunge mwoyo.” Paakataura kwandiri ndakabva ndasimbaradzwa ndokubva ndati, “Changamire chiregai nditaure nemi nokuti mandisimbaradza.”

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 10 SCLBD