Dhuteronomi 13:1-3
Dhuteronomi 13:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana muprofita, kana muvuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo, uye kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, uye akati, “Ngatiteverei vamwe vamwari” (vamwari vamusingazivi) “uye ngativanamatei,” hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
Dhuteronomi 13:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino kana muporofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza chiratidzo kana chinoshamisa, icho chiratidzo kana chinoshamisa chikaitika, chaakataura kwauri, achiti, ‘Ngatitevere vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, tivashumire;’ usaterera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
Dhuteronomi 13:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ngatitii pakati penyu pomuka muporofita kana muroti wehope, anofanokuudzai nechiratidzo nenenji, achifembera zvichazoitika, zvichizoitika, asi achizoti ngatinamate vamwe vamwari vausingambozivi, tivashandire. Rega kuteerera zvinotaurwa nomuporofita iyeyo kana muroti wehope iyeyo nokuti Tenzi Mwari wako anenge achitokuedza zvake achida kuona kuti unoda Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose here.
Dhuteronomi 13:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana muprofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza ciratidzo kana cinoshamisa, ico ciratidzo kana cinoshamisa cikaitika, caakataura kwauri, aciti: Ŋgatiteʋere ʋamŋe ʋamŋari, ʋawakaŋga usiŋgaziʋi, tiʋashumire; usaterera mashoko omuprofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehova Mŋari wenyu unokuidzai, kuti aziʋe kana muciɗa Jehova Mŋari wenyu nomŋoyo wenyu wose ʋuye nomŋeya wenyu wose.
Dhuteronomi 13:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)