Esteri 4:13-14
Esteri 4:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Modhekai akavaraira kuti vapindure Esiteri, vati, “Usati iwe uchapukunyuka mumba mamambo kupfuura vamwe vaJudha vose. Nokuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutoo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?”
Esteri 4:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
iye akapindura achiti, “Usafunga kuti zvauri mumba mamambo iwe woga pakati pavaJudha uchapunyuka. Nokuti kana iwe ukanyarara panguva ino, kusunungurwa nokurwirwa kwavaJudha zvichabva kune imwe nzvimbo, asi iwe nemhuri yababa vako muchaparara. Zvino ndiani angaziva zvakaita kuti uve muimba youmambo nenguva yakaita seino?”
Esteri 4:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Modhekai akavataurira mhinduro yokundopa Esita yokuti, “Chirega zvako kuzviti zvandiri mumuzinda wamambo ndini ndoga munhu achapunyuka pana vamwe vaJudha vose. Ndinodaro nokuti kana ukatonyarara zvako panguva yakaita seiyo iyi, vaJudha vachawana ruyamuro nokununurwa kuchangonyuka kuchibva kumwewo zvako. Asi iwe nemba yababa vako muchaparara. Zvinoka, zvimwe kupinda kwawakaita paumambo uku zvakatoitirwa nguva yakaita seiyo ino iyi, zvinaani angazvizive izvozvo?”
Esteri 4:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mordekai akaʋaraira kuti ʋapindure Estere, ʋati: Usati iwe ucapukunyuka mumba mamambo kupfuʋura ʋamŋe ʋaJuda ʋose. Nokuti kana iwe ukanyarara cose neŋguʋa ino, ʋaJuda ʋacaɓatsirwa nokurwirwa nomumŋe mutoʋo, asi iwe neimba yaɓaɓa ʋako mucaparadzwa; handiti, ɀimŋe wakaȿika paʋushe nokuɗa kweŋguʋa ineŋge seino here?
Esteri 4:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)