Esteri 6:10
Esteri 6:10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo akarayira Hamani achiti, “Enda nokukurumidza, utore nguo nebhiza uitire Modhekai muJudha, sezvawareva, uyo anogara pasuo ramambo. Usambosiya kana chinhu chimwe chezvawareva.”
Esteri 6:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo mambo akabva ati kuna Hamani, “Chitokurumidza utore hanzu idzodzo nebhiza racho sokutaurawo kwawaita. Uitire saizvozvo Modhekai muJudha anogaririra kuSuo Guru rokwaMambo. Usawane zvaunosiya pane zvawareva izvi.”
Esteri 6:10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mambo akati kuna Hamani, “Chimbidzika utore nguo nebhiza, sezvawataura, undoitira Modhekai muJudha saizvozvo, iye agere pasuo ramambo; usarega shoko rimwe pamashoko ose awataura.”
Esteri 6:10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mambo akati kunaHamani: Cimbidzika utore ŋguʋo nebiza, seɀawataura, undoitira Mordekai muJuda saiɀoɀo, iye ugere pasuʋo ramambo; usarega shoko rimŋe pamashoko ose awataura.
Esteri 6:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)