Esita 6
6
IV: KUTSIVIDZA KWAVAJUDHA
Kuremekedza Modhekai kwakaitwa namambo
1Usiku ihwohwo, mambo haana kumborara. Akati vanhu vamuvigire bhuku rokuyeuchidza nyaya dzakamboitika reNhoroondo, dzikaverengwa pana mambo ipapo. 2Makawanika makanyorwa zvokunyevera kwakaita Modhekai nezvaBhigitana naTereshi, vayuniki vaviri vokwamambo vaya vakanga vari vokugaririra kusuo guru vakanga vafunga zvokuuraya mambo Ahasuerusi.
3Mambo akati, “Chii chaizvo chakapiwa Modhekai kuitira nyaya iyoyi chokumuremekedza kana chokumukudzawo nacho?”
Machinda amambo aimushandira akati, “Hapana chaakaitirwa uya!”
4Mambo akabva ati, “Ndianiko ari munhandare umu?” Izvozvo Hamani akanga achangoti pindei munhandare yokunze yomumuzinda wamambo kuzopira kuna mambo nyaya yokuti Modhekai asungirirwe pamutandarikwa uya waakanga amugadzirira. 5Mamwe machinda amambo ndokuti, “NdiHamani, amire munhandare umu.” Mambo akati, “Muregei zvake apinde.”
6Nokudaro Hamani akapinda, mambo akati kwaari, “Chii chaizvo chingaitirwe munhu kuri kuti mambo ada kumuremekedza?” Ipapo nechomumwoyo Hamani akazviti, “Iye mambo ndiani chaizvo waangafarire kuremekedza kupinda ini?”
7Hamani akapindura mambo achiti, “Zvingaitirwe munhu wamunenge mada kuremekedza imi mambo ndezvokuti ngapaunzwe hanzu dzoumambo, 8hanzu dzamunombopfeka imi mambo nebhiza rinotasvwa namambo rinoiswa chiremba choumambo mumusoro. 9Hanzu idzodzo nebhiza racho, ngazviiswe mumaoko merimwe jinda rokwamambo rapamusoro-soro. Jinda iroro ngarishongedzwe hanzu idzodzo munhu wacho anoda kuremekedzwa namambo. Jinda iroro ngarifambe nomunhu iyeyo napamusika weguta rino achidaidzira ari mberi kwake kuti, ‘Izvi ndizvo zvinoitwa namambo kumunhu waanenge ada kuremekedza!’ ”
10Ipapo mambo akabva ati kuna Hamani, “Chitokurumidza utore hanzu idzodzo nebhiza racho sokutaurawo kwawaita. Uitire saizvozvo Modhekai muJudha anogaririra kuSuo Guru rokwaMambo. Usawane zvaunosiya pane zvawareva izvi.”
11Saizvozvo Hamani akatora hanzu dzacho nebhiza racho akashongedza Modhekai akamufambisa napamusika weguta ari pabhiza, Hamani achidaidzira achiti, “Izvi ndozvinoitwa namambo kumunhu waanenge ada kuremekedza!”
12Modhekai akazodzokera kusuo guru rokwaMambo, asi Hamani akakurumidza kudzokera kumba kwake achiungudza akafuka musoro. 13Hamani akasvikotaurira mudzimai wake Zereshi neshamwari dzake dzose zvakanga zvaitika kwaari. Ngwazi dzake nomudzimai wake Zereshi, vakati kwaari, “Kana Modhekai wawatanga kukotamira ari werudzi rwechiJudhaka hamumbomukurira asi kutoti iyewe ndiwe uchatoputsika chete pamberi pake.”
Firo yaHamani
14Vachingunotaura navo kudaro, pakasvika vayuniki vamambo kuzotora Hamani nokukurumidza kuenda naye kumabiko aye akaitwa naEsita.
Zvasarudzwa nguva ino
Esita 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.