Esita 7
7
1Sokudaro mambo naHamani vakapinda mumabiko navahosi vamambo Esita. 2Pazuva rechipiri racho, vachinwa zvavo waini, mambo akatizve kuna Esita, “Chichemo chenyu ndechipi nhai vahosi vangu Esita? Unozvipiwa. Chii chaizvo chauri kukumbira? Kunyange chikava chikamu chapakati napakati chaicho choumambo hwangu, zvinofanira kuti zvitoitwa.” 3Vahosi Esita vakapindura vachiti, “Kana imi mandiitirawo mwoyochena mambo, uye kana zvichikufadzai imi mambo nokukumbira kwandinenge ndaita ndinokumbira kuti mundiraramisewo uyewo nokukumbira kwangu mundiraramisirewo vanhu vokwangu; 4nokuti takatotengeswaka isu, ini pamwechete navanhu vokwangu kuti tiparadzwe, tiuraiwe uye kuti titsakatiswe. Dai kuri kuti takangotengeswa chete nhapwa dzechikadzi nedzechirume, ndingadai ndaramba ndakanyarara zvangu. Chinondidariso ndechokuti muvengi wacho iyeyo haazogona kuzogadziridza achitsiva kurasikirwa kunenge kwaita mambo.”
5Mambo Ahasuerusi akati kuna vahosi Esita, “Ndiani iyeyo? Ari kupi angafemere zvake kuita izvozvi?”
6Esita akati, “Imwe mhandu, muvengi chaiye! Muipi uyu Hamani!” Hamani akabva adumbirwa chaizvo nokutya pana mambo navahosi vake. 7Mambo akabva asumuka pakudya akabva aviruka nehasha akaenda mubindu romumuzinda. Asi Hamani akasara achiteterera kuna vahosi vamambo Esita kuti vangovararamisawo nokuti akanga atozviona kuti mambo akanga atoronga kumuita chimwe chinhu.
8Mambo akazodzoka kubindu romumuzinda kuya akaenda kunzvimbo kwakanga kuchinwirwa waini kuya. Izvozvo Hamani akanga achitozviwisira pachigaro paiva naEsita, Mambo vakabva ati, “Ava kutobhinya vahosi vangu mumaziso mangu nhai, mumuzinda mangu muno?”
Mambo achangopedza kutaura muromo iwoyu, akabva afukidza Hamani uso hwake. 9Mumwe wavayuniki vainge vachishandira mambo anonzi Habhona ndokuti, “Mutandarikwa wamapango uya wakagadzirwa naHamani kusungirira Modhekai, wokubayira mambo zanhi uya zvikazomuponesa, mutandariko wacho iwoyo wakatomira mumusha maHamani unoita makumi maviri amamita ana mamita maviri kureba.”
10Mambo akabva ati, “Indomusungirirai ipapo.” Saizvozvo vakandosungirira Hamani pamutandariko wemapango uya waakanga agadzirira Modhekai. Ndopakazoserera hasha dzamambo.
Zvasarudzwa nguva ino
Esita 7: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.