Ekisodho 23:2-3
Ekisodho 23:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Usatevedzera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa. Paunopa umboo mudare redzimhosva, usaminamisa kururamisira uchienda kurutivi rworuzhinji, uye usatsaura munhu murombo uchienda kudivi rake pamhaka yake.
Ekisodho 23:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwechete navazhinji kuti irege kururamiswa; usatsaura murombo uchimuitira tsitsi pamhaka yake.
Ekisodho 23:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usaite chinhu chakaipa pamusana pokuti chiri kuitwa navanhu vazhinji, kana kungotevera ruzhinji mukupupurira zvisiri zvechokwadi padare. Tonga mhosva yomurombo nomazvo usingamupembedzi nokuda kwokuti murombo.
Ekisodho 23:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Usateʋera ʋazhinji pakuita ɀakaipa; usapupura pamhoȿa pamŋe cete naʋazhinji kuti irege kururamiswa; usatsaura murombo ucimuitira tsitsi pamhaka yake.
Ekisodho 23:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)