Ekisodho 23:25-26
Ekisodho 23:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye ipapo maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu, uye hakuna achabva pamuviri kana asingabereki munyika yenyu. Ndichakupai upenyu huzere.
Ekisodho 23:25-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shumira Jehova Mŋari wako, kuti aropafadze ciŋgwa cako nemvura yako; neni ndicabvisa ʋurwere pakati penyu. Hakuŋgaʋi necinhu cinoȿodza, kana cisiŋgaɓereki panyika yako; ndicazadzisa mazuʋa ako.
Ekisodho 23:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shumira Jehovha Mwari wako, kuti aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni ndichabvisa urwere pakati penyu. Hakungavi nechinhu chinosvodza, kana chisingabereki panyika yako; ndichazadzisa mazuva ako.
Ekisodho 23:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Namatai ini Tenzi, Mwari wenyu. Ini ndinozokukomborerai ndichikupai zvokudya nemvura, ndichibvisa zvirwere pakati penyu. Hapachazova nomukadzi anobva pamuviri, kana kushaya mbereko. Ndichakupai upenyu hurefu.
Ekisodho 23:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)