Ekisodho 4:11-12
Ekisodho 4:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kwaari, “Ndianiko akapa munhu muromo? Ndianiko anomuita matsi kana mbeveve? Ndiani anomusvinudza kana kumuita bofu? Handisini here, Jehovha? Zvino chienda, ini ndichakubatsira kutaura uye ndichakudzidzisa zvokutaura.”
Ekisodho 4:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akati kwaari, “Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here? Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura.”
Ekisodho 4:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kwaari, “Ko ndianiko akasika muromo womunhu? Ko ndiani anoita kuti munhu ave mbeveve kana matsi? Ndiani anopa munhu maziso, kana kumupofomadza? Handiti ndini iyeni Tenzi here? Saka zvino chienda. Ini ndichakubatsira pakutaura kwako. Ndichakurayiridza zvokutaura.”
Ekisodho 4:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akati kwaari: Ndianiko wakaita muromo womunhu, ndianiko unoita mbeʋeʋe kana matsi, kana unoʋona, kana ɓofu? Ko handizini Jehova here? Naiɀoɀo ɀino cienda, ini ndicaʋa muromo wako, ndikudzidzise ɀaunofanira kutaura.
Ekisodho 4:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)