Ekisodho 7:11-12
Ekisodho 7:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye nʼanga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo. Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
Ekisodho 7:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Farao akadanawo vakachenjera navaroyi; naivowo, idzo n'anga dzeIjipiti, vakaita saizvozvo nouroyi hwavo. Nokuti mumwe nomuwe akakandira pasi tsvimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
Ekisodho 7:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Farao akadaidzawo magodobori ake, nyanzvi dzamapipi nen'anga. Magodobori omuIjipiti aya akabva aitawo izvozvo zvamapipi. Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi, ikasanduka ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo dzose.
Ekisodho 7:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Farao akaɗana ʋo ʋakacenjera naʋaroyi; naiʋo ʋo, idzo ŋaŋga dzeEgipita, ʋakaita saiɀoɀo noʋuroyi bgaʋo. Nokuti mumŋe nomumŋe wakakandira pasi tȿimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tȿimbo yaAroni yakamedza tȿimbo dzaʋo.
Ekisodho 7:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)