Ezekieri 8:3
Ezekieri 8:3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akatambanudza chakanga chakaita soruoko akandibata nebvudzi romusoro wangu. Mweya akandisimudza pakati penyika nedenga uye muzviratidzo zvaMwari akanditora akandiendesa kuJerusarema, kumukova wokusuo rokumusoro roruvazhe rwomukati, pakanga pamire chifananidzo chinomutsa godo.
Ezekieri 8:3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akatambanudza zvakanga zvakaita soruoko, akandibata nezhumu romusoro wangu, Mweya akandisimudza pakati pedenga nenyika, ndokundiisa paJerusaremu ndichiratidzwa zviratidzo naMwari, kumukova wesuo roruvanze rwomukati unotarira kurutivi rwokumusoro, pakanga pane chigaro chechifananidzo chegodo, chinomutsa godo.
Ezekieri 8:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye akatambanudza chainge ruoko akandibata zhumu romusoro wangu. Izvozvo Mweya wakandisumudza mudenga pakati pedenga nenyika akandiendesa muzviratidzo zvaMwari kuJerusaremu pokupinda napo peSuo Guru renhandare yomukati yakatarisa kuchamhembe pakanga paine paigara chimufananidzo chokunamata cheshanje chaikonzera Mwari shanje.
Ezekieri 8:3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akatambanudza ɀakaŋga ɀakaita soruʋoko, akandiɓata neɓumu romusoro waŋgu, Mŋeya akandisimudza pakati peɗeŋga nenyika, ndokundiisa paJerusarema ndiciratidzwa ɀiratidzo naMŋari, kumukoʋa wesuʋo roruʋazhe rwomukati unotarira kurutiʋi rwokumsoro, pakaŋga panecigaro cecifananidzo cegoɗo, cinomutsa goɗo.
Ezekieri 8:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)