Ezira 8:21
Ezira 8:21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndakazodaidzira kuti kutsanywe ipapo parwizi rweAhavha kuitira kuti tizvidukupise kuna Mwari wedu kuti atiwanisewo kufamba kwakanaka isu navana vedu nezvedu zvose zvataiva nazvo.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezira 8Ezira 8:21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo, paRwizi rweAhavha, ndakatara nguva yokutsanya kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu uye kuti timukumbire kuti atifambise rwendo rwakanaka isu navana vedu nepfuma yedu yose.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezira 8Ezira 8:21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo ndakatara nguva yokuzvinyima zvokudya parwizi Ahavha, kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu, tizvikumbirire kwaari isu nepwere dzedu nepfuma yedu yose nzira yakarurama.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezira 8