Ezira 8
8
Vanhu vakadzoka kuutapwa
1Vanakomana vevatungamiriri vedzimhuri dzemadzibaba avo nezvizvarwa zvevakasimuka vakabva kuBhabhironi neni pakutonga kwamambo Atakizesesi ndeava ava, paiti:
2vokwaFinehasi: ndiGerishomu
vokwaItamaru: ndiDhanieri
vokwaDhavhidhi: ndiHatushi
3wokumhuri yokwaShekaniya.
Vanakomana vokwaParoshi: ndiZekariya
aiva nezana revanhu rine varume
makumi mashanu vaakanyorwa ainavo
4vokwaPahatimoabhu: ndiErihoenai wokumhuri yokwaZeraya aine
mazana maviri evarume
5vanakomana vokwaShekaniya#8:5 Shekaniya Zita rokuti Shekaniya, muchiHebheru riri mundima macho imomo asi pasi pasi pacho vakanyora rokuti Zatu.
mwanakomana waJahazieri aine mazana matatu avarume.
6VokwaAdhini: ndiObhedhi mwanakomana waJonatani
akanga aina varume makumi mashanu
7vokwaEramu: ndiJeshaya mwanakomana waAtariya
aivawo namakumi manomwe avarume
8vokwaShefatiya: ndiZebhadhiya mwanakomana waMikaeri
aina makumi masere evarume
9vokwaJoabhu: ndiObhadhiya
mwanakomana waJehieri namazana maviri
evarume navarume gumi navasere
10vokwaBhani:#8:10 Bhani rinobva mu LXX, Bhaibhiri rechiGiriki. ndiSherumiti
mwanakomana waJosifiya akanga aine
zana namakumi matanhatu evarume
11vokwaBhebhai: ndiZekariya
mwanakomana wokwaBhebhai aine varume
makumi maviri ane vasere.
12VokwaAazigadhi: ndiJohanani mwanakomana
wokwaHakatani akangawo aine zana
revarume rine varume gumi
13vokwaAdhonikamu: vokupedzisira vacho
mazita avo ndeaya anoti
Erifereti naJeueri naShemaya
vaivawo namakumi matanhatu evarume
14vokwaBhigivhai: ndiUtai naZakuri
vaine makumi manomwe evarume.
Kutsvaka vaRevhi vepaTemberi kwakaitwa naEzira
15Ndakavaunganidza parwizi runoerera ruchienda kuAhavha tikamboita musasa wedu ipapo kwamazuva matatu. Pandakawongorora vanhu navapristi, handina kuwana paina vanakomana vokwaRevhi. 16Ndopandakatumira shoko rokuti kuuye Eriezero naArieri naShemaya naErinatani naJaribhu kwouya Erinatani naNatani naZekariya naMeshuramu vakuru vakuru, kwozouya Joyaribhu naErinatani vakanga vari vanhu vainzwisisa 17ndikavatuma kuna Idho mukuru mukuru aiva kunzvimbo inonzi Kasifia. Ndakavaudza zvokundotaura kuna Idho nehama dzavo vashandi vepatemberi kuKasifia kwacho ndichiti vatitumire vokushanda mumba yaMwari wedu. 18Pamusana pokuti ruoko rwaMwari rutsvene rwaiva pamusoro pedu, ivo vakatiunzirawo murume anoungwaru kwazvo wokuvanakomana vokwaMahiri mwanakomana waRevhi mwana waIsiraeri anonzi Sherebhiya pamwechete navanakomana vake nehama dzake vari gumi navasere. 19Uyewo naHashabhiya aina Jeshaya vanakomana vokwaMerari pamwechete nehama dzavo navana vavo vakomana vari makumi maviri. 20Apa tinenge tisingaverengere zvedu mazana maviri ana makumi maviri avashandi vepaTemberi vakanzi naDhavhidhi namakurukota ake vave pavo voga kuitira kuti vashandire vaRevhi. Ivava vose zvavo vakatodomwa namazita.
Ezira akati, “Ngatitsanyei tinamate.”
21Ndakazodaidzira kuti kutsanywe ipapo parwizi rweAhavha kuitira kuti tizvidukupise kuna Mwari wedu kuti atiwanisewo kufamba kwakanaka isu navana vedu nezvedu zvose zvataiva nazvo. 22Chakandidariso kwaiva kunyara kukumbira mambo chikwata chavarwi vehondo navachairi vamabhiza vokutidzivirira kuvavengi murwendo rwedu sezvo takanga tati kuna mambo, “Ruoko rwaMwari wedu ruri pane vose vanomutsvaka kuti zvivanakire, uku, simba rehasha dzake richivirukira vose vanomufuratira.” 23Ipapo isu takatsanya tichiteterera kuna Mwari wedu naizvozvi izvi, iye ndokunzwawo chichemo chedu.
Zvipo zvakapiwa kumba yaTenzi
24Ndakazosarudza vapristi gumi navaviri vakuru vakuru ava vanoti: Sherebhiya naHashabhiya nedzimwe hama dzavo gumi dzavaiva nadzo. 25Ndakavaerera sirivha nendarama nemidziyo yechipo chiya chokubvisirwa imba yaMwari wedu namambo namakurukota ake namadzishe ake pamwechete navaIsiraeri vose vaivepo. 26Ndakaera ndikaisa mumaoko avo,
sirivha inoita matani makumi maviri
nezana remidziyo yesirivha inorema makirogiramu
makumi manomwe
uye ndarama inorema matani matatu ana
makirogiramu mazana mana
27nemakumi maviri endiro dzendarama dzinorema
makirogiramu masere ana
magiramu mazana mana
uyewo midziyo miviri yendarira yakangokosha
zvimwechetezvo sendarama.
28Ndakavati, “Imi muri vanhu vakatsaurirwa Tenzi vatsvene uye midziyo iyoyi iyi, midziyo inoera. Sirivha nendarama iyi chipo chokupa kuna Tenzi, Mwari wemadzibaba enyu yomupiro wokupawo zvawo nechido. 29Itarirei muichengetedze kusvikira maiera pameso pavapristi vakuru vakuru navaRevhi navatungamiriri vedzimba dzamadzibaba muIsiraeri kuJerusaremu mudzimba dzomutemberi yaTenzi.” 30Saizvozvo vapristi navaRevhi vakagamuchira mutoro wesirivha iyoyi nendarama nemidziyo vakaenda nayo Jerusaremu kumba yaMwari wedu.
Kudzokera Jerusaremu kwavakatapwa vachibva kuBhabhironi
31Takazosimuka kubva parwizi rwaAhavha pazuva regumi nechipiri remwedzi wokutanga toenda Jerusaremu, ruoko rwaMwari wedu ruri patiri. Akatinunura mumaoko avavengi nokune vaitihwandira munzira. 32Takasvika kuJerusaremu tikaita mazuva edu matatu tirimo. 33Pazuva rechina racho, mukati memba yaMwari imomo, sirivha iya nendarama nemidziyo yakaerwa ikaiswa mumaoko omupristi Meremoti mwanakomana waUriya aivawo naEreazari mwanakomana wokwaFinehasi vaine vaRevhi ava vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhiya mwanakomana wokwaBhinui. 34Zvose zvakaverengwa zvikaerwa uremu hwazvo zvose hukanyorwa pasi.
35Panguva iyoyo vokudzoka kuutapwa vakanga vatapwa vakatamisirwa kusi kwavo vaye vakapira mipiro yokupisa kuna Mwari weIsiraeri zvaiti gumi rehandira dzokupirira Isiraeri yose nehondohwe makumi mapfumbamwe nenhanhatu nehwayana makumi manomwe nenomwe namakotora gumi namaviri omupiro wokupfupira zvitadzo. Zvose izvozvi zvaiva zvomupiro wokupisira kuna Tenzi. 36Vakasvitsawo zvirevo zvamambo kuna madzishe okwamambo nokumasadunhu enyika iyi yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi, ivo ndokubva vabatsira vanhu uye nezvemba yaMwari.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezira 8: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.