Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezira 7

7
II: KURONGWA KWAKAITWA VANHU NAEZIRA NANEHEMIYA
Kusvika kwakaita mupristi Ezira kuJerusaremu
1Mushure maizvozvi izvi, panguva yokutonga kwaAtakizesesi mambo wePezhiya,
Ezira mwanakomana waSeraya
Seraya aberekwa naAzariya
Azariya ari mwana waHirikiya
2Hirikiya mwanakomana waSharumu
Sharumu wokuberekwa naZadhoki
Zadhoki mwana waAhitubhu
3Ahitubhu ari mwana waAmariya
Amariya ari mwanawo waAzariya
Azariya aberekwa naMeraoti
4Mearaoti wokuberekwa naZerahiya
Zerahiya mwanakomana waUzi
Uzi aberekwa naBhuki
5Bhuki wokuberekwa naAbhishua
Abhishua mwana waFinehasi
mwana waErizeri
mwana waAroni
mupristi mukuru.
6Ezira wacho iyeyu akasimukawo kubva kuBhabhironi. Akanga ari munyori nyanzvi chaiyo yomutemo waMosesi wakapiwa naTenzi, Mwari weIsiraeri. Mambo akamupa zvose zvaakanga akumbira pamusana pokuti ruoko rwaTenzi, Mwari wake rwaiva paari.
7Kwakasimukawo vamwe vanhu vechiIsiraeri navapristi nevaRevhi navaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru navashandi vomutemberi vakaendawo kuJerusaremu, mugore rechinomwe rokutonga kwamambo Atakizesesi. 8Zvino iye akasvika Jerusaremu mumwedzi wechishanu muri mugore rechinomwe rokutonga kwamambo uyu. 9Nokuti pazuva rechiposhi romwedzi wokutanga ndipo paakatangisa rwendo rwokubva kuBhabhironi; kuzoti pava pazuva rechiposhi remwedzi wechishanu, akasvika muJerusaremu pamusana pokuti ruoko rutsvene rwaMwari wake rwaiva paari 10nokuti Ezira akanga azvipira nomwoyo wose kudzidza mutemo waTenzi nokuuchengeta nokudzidzisawo zvirevo zvake nemirao yake muIsiraeri.
Tsamba yamambo Atakizesesi kumupristi, Ezira
11Tsamba yakapiwa namambo Atakizesesi kumupristi Ezira munyori uya, muzivisisi wezvemitemo nemirao yaTenzi yaakapa Isiraeri; ndeyiyi yaiti:
12“Ini Atakizesesi
mambo wemadzimambo ndiri
kukunyorera iwe Ezira
mupristi nyanzvi yomutemo
waMwari Wedenga.
13Zvino ndatema chirevo chokuti:
Ani naani zvake
wechiIsiraeri kunyange mupristi kana
muRevhi munyika mangu anozvipira zvake
kuenda kuJerusaremu ngaaende zvake newe.
14Sezvo ini namakurukota angu manomwe
tirisu tiri kukutumai
kundoongorora nezvemutemo
waMwari wenyu uri mumaoko
enyu kwaJudha nomuJerusaremu
15uye muendewo nesirivha
nendarama yakapiwa zvayo
namambo namakurukota ake
sechipo kuna Mwari weIsiraeri
ane musha wake muJerusaremu
16pamwechete nesirivha
nendarama yamuchawana munyika
yose yeBhabhironi pamwechetewo nomupiro
wokupa zvavanotsidza zvavo kupirira imba
yaMwari wavo iri kuJerusaremu.
17“Munyatsoona kuti nemari iyoyi
manyatsotengawo handira
nehondohwe nehwayana
pamwechete nemipiro yazvo yembesanwa
nemipirowo yazvo yokuteura.
Munofanira kupira izvozvo
paatari yepaimba yaMwari
wenyu iri muJerusaremu.
18Zvamunenge maonawo imi
nehama dzenyu kuti zvakanaka
kuitwa nesirivha
nendarama inenge yasara,
itai zvenyu maererano
nezvinenge zvichidiwa naMwari wenyu.
19Midziyo yamakapiwa yokushandisa mumba
yaMwari wenyu, mundozviturira
kuna Mwari weJerusaremu.
20Kana pane chimwezve chingadiwe
pamba yaMwari wenyu chinenge
chichifanira kuti imi mubvise munotora
zvenyu mudzimba
dzinochengeterwa upfumi hwokwamambo.
21“Zvino ini mambo Atakizesesi ndatemera chirevo
vanasahomwe vose vari kunyika yokuMhiri
kweRwizi rwaYufuratesi chokuti:
chose zvacho chinenge charehwa kwamuri nomupristi
vaEzira, nyanzvi yomutemo waMwari wedenga
nyatsochiitai nomazvo chaimo;
22sirivha ngaive ingasvike zvayo matani
mana ane makirogiramu mazana mana chete;
koroni ivewo ingasvike gumi rezviuru
zvemakirogiramu chete; waini ive
zvayo inosvika zviuru zviviri
zvemarita chete;
mafuta eorivhi avewo zvawo angasvike
zviuru zviviri zvemarita chete;
munyu uve usina muganhu.
23Chose chinenge charehwa naMwari wedenga
chepamba yaMwari iyeyo
nyatsochiitai nokukurumidza
angadaro akavirukira umambo hwangu
nehwavanakomana vangu nehasha.
24Tinokuzivisaiwo kuti
vapristi nevaRevhi
kana vaimbi kana
vachengetedzi vepamisuo mikuru
kunyange vashandi
vepaTemberi kana vamwe vashandi
zvavo vepaTemberi yaMwari hamuchabvumirwa
nomurao kuvabvisisa mutero kana
zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange
mutero wenzira.
25Zvino iwe Ezira maererano noungwaru
hwaMwari hwako hwaunahwo,
sarudza vokutonga dzimhosva navatongi vakuru vanotongera
vanhu vose venyika iri Mhiri kweRwizi
rwaYufuratesi, vose zvavo
vanoziva mitemo yaMwari wako,
vasingaizive wovadzidzisawo.
26Ani naani zvake anongorega chete
kuteerera mutemo waMwari wako
nomutemo wamambo ngaatongwe
zvakaomarara kungave kunzi aurayiwe kana
kudzingwa munyika kunyange kunzi atorerwe
zvinhu zvake zvaanazvo kana kuiswa muusungwa.”
Kurumbidza Mwari kwakaita mupristi Ezira
27“Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari
wemadzibaba edu akaisa izvozvi zvakadai izvi
mupfungwa dzamambo
zvokushongedza imba yaTenzi
iri muJerusaremu
28akaita kuti mwoyochena
wake usvikewo kwandiri
ndionekwewo somunhu
namambo namakurukota ake
ndionekwewo somunhu nevakuru vakuru
chaivo vepamusoro vokwamambo.
Zvakabva zvandikurudzirawo
nokuti ruoko rwaTenzi
Mwari wangu rwaiva
pandiri ndikakokorodza
varume vechiIsiraeri vakuru vakuru
ndikakwira kuenda navo.”

Zvasarudzwa nguva ino

Ezira 7: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda