Ezira 9:9
Ezira 9:9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kunyange zvedu tiri varanda, Mwari wedu haana kutisiya tiri muuranda hwedu. Akatinzwira tsitsi pamberi pamadzimambo ePezhia: Akatipa, upenyu hutsva kuti tivakezve imba yaMwari wedu nokugadzira matongo ayo, uye atipa rusvingo rwokutidzivirira muJudha nomuJerusarema.
Ezira 9:9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti tiri varanda; kunyange zvakadaro Mwari haana kutirasha pauranda hwedu, asi akatinzwisa tsitsi pamberi pamadzimambo ePerisia, akatiponesazve, kuti timutsezve imba yaMwari wedu, nokugadzira matongo ayo, nokutipa rusvingo paJudha napaJerusaremu.
Ezira 9:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti tanga tiri varanda asi Mwari wedu hamuna kutisiya tiri varanda kudaro. Asi makaratidza mwoyochena wenyu kwatiri pamberi pemadzimambo ePezhiya mukatimutsurudza mwoyo kuti timise imba yaMwari wedu nokuvakiridza matongo ayo mukaita sorusvingo kwatiri muJudhea nomuJerusaremu.
Ezira 9:9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti tiri ʋaranda; kunyaŋge ɀakaɗaro Mŋari haana‐kutirasha paʋuranda bgeɗu, asi wakatinzwisa tsitsi pamberi pamadzimambo ePersia, akatiponesa ɀe, kuti timutse ɀe imba yaMŋari weɗu, nokugadzira matoŋgo ayo, nokutipa ruȿiŋgo paJuda napaJerusarema.
Ezira 9:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)