Genesisi 41:39-40
Genesisi 41:39-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Farao akati kuna Josefa, “Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe; ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.”
Genesisi 41:39-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Sezvo Mwari aita kuti izvi zvose zvizivikanwe newe, hakuna munhu anoziva uye akachenjera sewe. Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.”
Genesisi 41:39-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Farao akatiwo, kuna Josefi, “Mwari zvaadai kukuratidza izvozvo zvose, hapana munhu mumwe akangwara sewe angazive kunyatsoronga zvokuita. Ndiwe wava mutongi mukuru wezvapamuzinda wangu. Vanhu vangu vose vanosungirwa kuita sokutaura kwaunenge waita. Asi kana zvava zvoumambo ndipo poga pandiri mukuru kwauri.”
Genesisi 41:39-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Farao akati kunaJosefa: Mŋari ɀaakakuratidza iɀoɀo ɀose, hapanomunhu wakaŋgwara, wakacenjera sewe; ndiwe ucaʋa muɓati weimba yaŋgu; ʋanhu ʋaŋgu ʋose ʋacarairwa neshoko rako; asi pacigaro caŋgu coʋushe ndi’po pandicaʋa mukuru kwauri.
Genesisi 41:39-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)