VaHebheru 11:24-27
VaHebheru 11:24-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro. Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi. Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro. Nokutenda akabva muIjipiti asingatyi kutsamwa kwamambo; akatsungirira nokuti akanga aona iye asingaonekwi.
VaHebheru 11:24-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokutenda Mosesi akura, akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao, akati zviri nani kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari pakufarira zvivi nguva duku; akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kupfuma kwose kweIjipiti; nokuti akatarira mubayiro. Nokutenda akabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti akatsungirira somunhu anoona iye asingaonekwi.
VaHebheru 11:24-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamusana pechitendero Mosesi paakanga akura akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao. Akatosarudza kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari panze pokunakidzwa namafaro echitadzo. Akafunga kuti kuzvidzirwa Kristu upfumi hukuru kupinda upfumi hweIjipiti nokuti mwoyo wake wakanga uri kumubayiro. Pamusana pechitendero akasiya Ijipiti asingatyi hasha dzamambo achiita somunhu ari kuona iye Asingaoneki.
VaHebheru 11:24-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokutenda Mosesi, akura, wakaramba kunzi mŋanakomana womukunda waFarao, akati ɀirinani kuitirwa ɀakaipa pamŋe cete naʋanhu ʋaMŋari pakufarira ɀiʋi ŋguʋa ɗuku; akati kuɀidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kwose kweEgipita; nokuti wakatarira muɓairo. Nokutenda wakabva Egipita, asiŋgatyi kutsamŋa kwamambo; nokuti wakatsuŋgirira somunhu unoʋona iye usiŋgaʋonekwi.
VaHebheru 11:24-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)