VaHebheru 11:8-9
VaHebheru 11:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye.
VaHebheru 11:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwechete naye
VaHebheru 11:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamusana pechitendero Abhurahamu akateerera paakadaidzwa kuti aende kunzvimbo yaainzi anozogamuchira senhaka. Pamusana pechitendero akabuda achienda kwaakanga asingazivi akagara munyika yechipikirwa somunhu anogara munyika isiri yake achigara mumatendhe naIsaki naJakobho, vagari venhaka pamwechete naye vechipikirwa chimwechetecho.
VaHebheru 11:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokutenda Abrahama, wakati aɗanwa, akaterera, akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo yaakanzi ucaipiwa iʋe nhaka yake; akaɓuɗa akaenda, asiŋgaziʋi kwaanoenda. Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yecipikirwa, sapanyika yaʋamŋe, akagara mumatente naIsaka naJakobo, ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa cimŋe pamŋe cete naye
VaHebheru 11:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)