Isaya 42:16
Isaya 42:16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Uye mapofu ndichaatungamirira nenzira yavasingazivi, ndichivatungamirira nomutunzira twavanga vasingazivi. Panzvimbo perima rakavaputira ini ndichaisa chiedza pana makomba makomba ndichiita kuti pati chechetere. Izvozvi izvi ndozvinhu zvandichaita, handisi kuzovafuratira.
Isaya 42:16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichatungamirira mapofu nenzira dzavasingazivi, nomumakwara avasina kuziva, ndichavatungamirira; ndichashandura rima rikava chiedza pamberi pavo uye ndichaita kuti nzvimbo dzakaipa dziti chechetere. Izvi ndizvo zvinhu zvandichaita; handizovasiya.
Isaya 42:16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.
Isaya 42:16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)