Isaya 42
42
Muranda waJehova.
1Tarirai muranda waŋgu wandinotsigira, musanaŋgurwa waŋgu unofadza mŋeya waŋgu. Ndakaisa Mŋeya waŋgu pamsoro pake, ucaʋigira marudzi kururamisirwa. 2Haaŋgaɗani, kana kuɗanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha. 3Rutsaŋga rwakapxanyika haaŋgaruvuni, nomŋenje unopfuŋgaira haaŋgaudzimi; ucaʋigira ʋanhu kururamisirwa muɀokwaɗi. 4Iye haaŋgapfuŋgairi kana kupxanyiwa, kuȿikira agadza kururama panyika; ɀiwi ɀicamirira murairo wake. 5Ɀanzi naMŋari Jehova, iye wakasika ɗeŋga rose, akaritatamura, iye wakatambanudza nyika neɀinobva’mo, iye unopa ʋanhu ʋari’mo kufema, naʋanofamba’po mŋeya waʋo: 6Ini Jehova ndakakuɗana nokururama, ndicaɓata ruʋoko rwako, ndicakuceŋgeta, ndikuite suŋgano yaʋanhu, uʋe ciedza camarudzi; 7uȿinudze meso asiŋgaʋoni, uɓuɗise ʋasuŋgwa patoroŋgo, naʋagere murima paimba yokusuŋgwa. 8Ndini Jehova, ndiro zita raŋgu; kukudzwa kwaŋgu handiŋgakupi mumŋe, kana kurumbidzwa kwaŋgu kumifananidzo yakaʋezwa. 9Tarirai, ɀinhu ɀakare ɀaitika, ndinoparidza ɀinhu ɀitȿa; ndinokuʋudzai iɀoɀo ɀisati ɀaɓukira.
10Imbirai Jehova rwiyo rutȿa, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoɓurukira kuguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maro, ɀiwi naʋagere paɀiri. 11Renje namaguta aro ŋgaɀiɗanidzire, nemisha inogarwa naKedari; ʋagere mumatombo ŋgaʋaimbe, ŋgaʋaɗanidzire ʋari pamsoro pamakomo. 12Ŋgaʋakudze Jehova, ʋaparidzire paɀiwi kurumbidzwa kwake. 13Jehova ucaɓuɗa semhare, ucamutsa kushiŋgaira somunhu wokurwa; ucaɗana, ɀirokwaɀo, ucaɗanidzira, ucarwa naʋaʋeŋgi ʋake nesimba. 14Ndakanyarara ŋguʋa refu, ndakaramba ndinyerere, ndikaɀidzora; ɀino ndicacema somukadzi wopona, ndicafemedzeka nokutakwaira pamŋe cete. 15Ndicaparadza makomo neɀikomo, nokuwomesa ɀose ɀinomera’po; nzizi ndicadziita ɀiwi, namadziʋa ndicaapxisa. 16Mapofu ndicaafambisa nenzira yaasiŋgaziʋi, pamakwara aasiŋgaziʋi ndicaatuŋgamirira; rima ndicariita ciedza pamberi paʋo, neɀakakombama ndicaɀiruramisa. Ɀinhu iɀi ndicaɀiita, handiŋgaʋasiyi. 17Ʋanoʋimba nemifananidzo yakaʋezwa, ʋanoti kumifananidzo yakaʋumbga: Imi muri ʋamŋari ʋeɗu, iʋo ʋacadzoserwa shure, ʋacanyadziswa kwaɀo.
18Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muʋone. 19Ndianiko ɓofu, haazi iye muranda waŋgu here? Ndiani matsi, senhume yaŋgu yandinotuma? Ndiani ɓofu, saiye unoɗikanwa neni, neɓofu somuranda waJehova? 20Unoʋona ɀinhu ɀizhinji, asi haucerekedzi; nzeʋe dzake dzakadziʋuka, asi haanzwi. 21Ɀakafadza Jehova, nokuɗa kwokururama kwake, kukudza murairo nokuurumbidza. 22Asi aʋa ndaʋanhu ʋakatorerwa nokupambarwa; ʋose ʋakateyiwa mumakomba, ʋakaʋanzwa mudzimba dzokusuŋgwa; ʋaʋa cinhu cakatapxa, hakuna‐unoʋarwira, cinhu cakapambga, hakuna‐unoti: Dzosa! 23Ndianiko pakati penyu ucarerekera nzeʋe dzake kunecinhu ici? Ucaterera nokunzwa paŋguʋa inoʋuya? 24Ndianiko wakarega Jakobo apambge, naIsraeri awirwe namakororo? Haazi Jehova here? Iye watakatadzira, waʋakaramba kufamba nenzira dzake, waʋakaramba kuterera murairo wake. 25Naiɀoɀo wakaɗurura pamsoro pake kutsamŋa kwake kukuru, nesimba rokurwa; ɀikamupisira kumatiʋi ose, asiŋgaɀiziʋi; ɀikamupisa, asi wakaŋga asinehanya naɀo.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 42: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018