Isaya 43
43
Jehova mudzikinuri waIsraeri.
1Asi ɀino ɀanzi naJehova, wakakusika, iwe Jakobo, wakakuʋumba, iwe Israeri: Usatya hako, nokuti ndakakudzikinura; ndakakuɗana nezita rako, uri waŋgu. 2Kana ucipinda nomumvura zhinji, ndicaʋa newe, kana nomunzizi, hadziŋgakunyudzi; kana ucifamba nomumŋoto, hauŋgatȿi, nomuraɀo hauŋgakupisi. 3Nokuti ndini Jehova Mŋari wako, Mutȿene waIsraeri, Muponesi wako; ndakaisa Egipita ruʋe rudzikinuro rwako, Etiopia neSeba panɀimbo yako. 4Ɀawakaŋga ucikosha pamberi paŋgu, ucikudzwa nokuɗikanwa neni, naiɀoɀo ndicaisa ʋanhu panɀimbo yako, namarudzi aʋanhu panɀimbo yoʋupenyu bgako. 5Usatya hako, nokuti ndinewe; ndicaʋuyisa ʋana ʋako ʋabve kumabvazuʋa, nokukuʋuŋganidza ubve kumaʋirazuʋa; 6ndicati kurutiʋi rwokumsoro: Ʋarege; nokurutiʋi rwezasi: Usaʋadziʋisa; ʋuyai naʋanakomana ʋaŋgu ʋari kure, naʋakunda ʋaŋgu ʋari kumigumo yenyika; 7mumŋe nomumŋe unoɗanwa nezita raŋgu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaʋumba, ɀirokwaɀo, wandakaita. 8Ʋuyai namapofu, anameso hawo, nematsi, dzinenzeʋe hadzo. 9Marudzi ose ŋgaaʋuŋganidzwe pamŋe cete, naʋanhu ʋakokerwe; ndianiko pakati paʋo uŋgatiʋudza iɀoɀi, uŋgatiratidza ɀinhu ɀakare? Ŋgaʋaʋuye neɀapupu ɀaʋo, ʋaruramiswe; ŋgaʋanzwe, ʋati: Iɀokwaɗi. 10Ɀanzi naJehova: Ndimi ɀapupu ɀaŋgu, nomuranda waŋgu, wandakasanaŋgura; kuti muziʋe, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakunomumŋe mŋari wakanditaŋgira pakuʋumbga, shure kwaŋgu hakuŋgazoʋi’po mumŋe. 11Ini, iyeni, ndiJehova, kunze kwaŋgu hakunomumŋe muponesi. 12Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe pakati penyu; saka imi muri ɀapupu ɀaŋgu, neni ndiri Mŋari, ndiɀo ɀinotaura Jehova. 13Ɀirokwaɀo, kubva zuʋa ranhasi ndini iye; hakuna‐uŋgarwira munhu paruʋoko rwaŋgu; ini ndicaɓateɓasa, ndiani uŋgandidziʋisa?
14Ɀanzi naJehova, Mudzikinuri wenyu, Mutȿene waIsraeri: Ndakatuma ʋanhu Babironi, nokuɗa kwenyu, ndicaʋaɓurusa ʋose ʋacitiza, iʋo ʋaKardea muɀikepe ɀaʋo ɀomufaro. 15Ndini Jehova, Mutȿene wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu. 16Ndiɀo ɀinotaura Jehova, unoita nzira muguŋgwa, negwara pakati pemvura zhinji inesimba; 17unoɓuɗisa ŋgoro nebiza, nehondo nounesimba; ʋanoʋata pasi pamŋe cete, haʋaŋgamuki ɀe; haʋacapfuti, ʋadzimŋa somŋenje. 18Musaraŋgarira ɀinhu ɀapfuʋura, musafuŋga ɀakare. 19Tarirai, ndicaita cinhu citȿa; coɓuɗa ɀino; hamuŋgaciziʋi here? Ndicaita nzira murenje, nenzizi musaŋgo. 20Mhuka dzeɓundo dzicandikudza, makaʋa nemhou; nokuti ndinoɓuɗisa mvura zhinji murenje, nenzizi musaŋgo, kuti ndipe ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋakasanaŋgurwa, ʋanwe, 21iʋo ʋanhu ʋandakaɀiʋumbira, kuti ʋaparidze kurumbidzwa kwaŋgu. 22Kunyaŋge ɀakaɗaro hauna‐kuɗana kwandiri, iwe Jakobo; asi wakaneta neni, iwe Israeri. 23Hauna‐kundiʋigira makwai ako ɀiʋe ɀipiriso ɀiŋgapiswa; hauna‐kundikudza neɀiɓayiro ɀako. Handina‐kukuremedza kuti uʋuye neɀipiriso ɀoʋupfu, handina‐kukunetsa ndiciti uʋuye neɀinonhuwira. 24Hauna‐kunditeŋgera ipxa nemari, hauna‐kundigutisa namafuta eɀiɓayiro ɀako; asi wakandiremedza neɀiʋi ɀako, wakandinetsa neɀakaipa ɀako. 25Ini, iyeni, ndini ndinodzima kuɗarika kwako nokuɗa kwaŋgu, handicaraŋgariri ɀiʋi ɀako. 26Ndiyeʋudzire, ŋgatitaurirane; rondedzera, kuti ururamisirwe. 27Teteguru ʋako ʋakatadza, naʋaɗudziri ʋako ʋakandiɗarikira. 28Naiɀoɀo ndakamhura macinda matȿene; Jakobo ndakamuita cinhu cakatukwa, naIsraeri cinhu cinosekwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 43: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018