1
Isaya 43:19
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ndicaita cinhu citȿa; coɓuɗa ɀino; hamuŋgaciziʋi here? Ndicaita nzira murenje, nenzizi musaŋgo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 43:2
Kana ucipinda nomumvura zhinji, ndicaʋa newe, kana nomunzizi, hadziŋgakunyudzi; kana ucifamba nomumŋoto, hauŋgatȿi, nomuraɀo hauŋgakupisi.
3
Isaya 43:18
Musaraŋgarira ɀinhu ɀapfuʋura, musafuŋga ɀakare.
4
Isaya 43:1
Asi ɀino ɀanzi naJehova, wakakusika, iwe Jakobo, wakakuʋumba, iwe Israeri: Usatya hako, nokuti ndakakudzikinura; ndakakuɗana nezita rako, uri waŋgu.
5
Isaya 43:4
Ɀawakaŋga ucikosha pamberi paŋgu, ucikudzwa nokuɗikanwa neni, naiɀoɀo ndicaisa ʋanhu panɀimbo yako, namarudzi aʋanhu panɀimbo yoʋupenyu bgako.
6
Isaya 43:3
Nokuti ndini Jehova Mŋari wako, Mutȿene waIsraeri, Muponesi wako; ndakaisa Egipita ruʋe rudzikinuro rwako, Etiopia neSeba panɀimbo yako.
7
Isaya 43:5
Usatya hako, nokuti ndinewe; ndicaʋuyisa ʋana ʋako ʋabve kumabvazuʋa, nokukuʋuŋganidza ubve kumaʋirazuʋa
8
Isaya 43:25
Ini, iyeni, ndini ndinodzima kuɗarika kwako nokuɗa kwaŋgu, handicaraŋgariri ɀiʋi ɀako.
9
Isaya 43:10
Ɀanzi naJehova: Ndimi ɀapupu ɀaŋgu, nomuranda waŋgu, wandakasanaŋgura; kuti muziʋe, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakunomumŋe mŋari wakanditaŋgira pakuʋumbga, shure kwaŋgu hakuŋgazoʋi’po mumŋe.
10
Isaya 43:11
Ini, iyeni, ndiJehova, kunze kwaŋgu hakunomumŋe muponesi.
11
Isaya 43:13
Ɀirokwaɀo, kubva zuʋa ranhasi ndini iye; hakuna‐uŋgarwira munhu paruʋoko rwaŋgu; ini ndicaɓateɓasa, ndiani uŋgandidziʋisa?
12
Isaya 43:20-21
Mhuka dzeɓundo dzicandikudza, makaʋa nemhou; nokuti ndinoɓuɗisa mvura zhinji murenje, nenzizi musaŋgo, kuti ndipe ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋakasanaŋgurwa, ʋanwe, iʋo ʋanhu ʋandakaɀiʋumbira, kuti ʋaparidze kurumbidzwa kwaŋgu.
13
Isaya 43:6-7
ndicati kurutiʋi rwokumsoro: Ʋarege; nokurutiʋi rwezasi: Usaʋadziʋisa; ʋuyai naʋanakomana ʋaŋgu ʋari kure, naʋakunda ʋaŋgu ʋari kumigumo yenyika; mumŋe nomumŋe unoɗanwa nezita raŋgu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaʋumba, ɀirokwaɀo, wandakaita.
14
Isaya 43:16-17
Ndiɀo ɀinotaura Jehova, unoita nzira muguŋgwa, negwara pakati pemvura zhinji inesimba; unoɓuɗisa ŋgoro nebiza, nehondo nounesimba; ʋanoʋata pasi pamŋe cete, haʋaŋgamuki ɀe; haʋacapfuti, ʋadzimŋa somŋenje.
15
Isaya 43:15
Ndini Jehova, Mutȿene wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo