Isaya 43:10
Isaya 43:10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu.
Isaya 43:10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.
Isaya 43:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTenzi, “Imimi ndimi, zvapupu zvangu, iyemi ndimi muranda wangu wandakasarudza kuti mugoziva munditende munzwisise kuti inini ndini iye ari. Hapana mwari akaumbwa ini ndisati ndavepo, kana kuzova nomumwewo zvake mushure mangu.
Isaya 43:10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova: Ndimi ɀapupu ɀaŋgu, nomuranda waŋgu, wandakasanaŋgura; kuti muziʋe, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakunomumŋe mŋari wakanditaŋgira pakuʋumbga, shure kwaŋgu hakuŋgazoʋi’po mumŋe.
Isaya 43:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)