1
Isaya 44:3
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndicaɗira mvura pamsoro penyika inenyota, nenzizi pamsoro pevu rakawoma; ndicaɗira Mŋeya waŋgu pamsoro porudzi rwako, nokuropafadza kwaŋgu pamsoro paʋana ʋako
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 44:6
Ɀanzi naJehova, Mŋari waʋaIsraeri, noMudzikinuri waʋo, Jehova wehondo: Ndini wokutaŋga nowokupedzisira; kunze kwaŋgu hakunaMŋari.
3
Isaya 44:22
Ndakadzima kuɗarika kwako, segore gobvu, neɀiʋi ɀako segore; dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura.
4
Isaya 44:8
Musatya henyu, musavunduka; handina‐kukuparidzirai iɀoɀo kare, nokukuratidzai here? Imi muri ɀapupu ɀaŋgu. Kunomumŋe Mŋari kunze kwaŋgu here? Ɀirokwaɀo, hakunerimŋe Ƌombo, ini handiriziʋi.
5
Isaya 44:2
Ɀanzi naJehova, wakakuita, wakakuʋumba kubvira paciɀaro, ucakuɓatsira: Usatya hako, iwe Jakobo, muranda waŋgu, newe Jeshuruni, wandakasanaŋgura.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo