Isaya 44:8
Isaya 44:8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Rega zvako kutya kana kuita umbwende, handina kukutaurira here kare ndikatotema izvozvo? Imimi ndimi zvapupu zvangu! Kuno mumwe Mwari here kunze kwangu ini? Hakuna kana rimwe Dombo kana nerimwe zvaro randinoziva.”
Isaya 44:8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musadedera, musatya. Handina kuparidza izvi here uye ndikazvitaura kare kare? Imi muri zvapupu zvangu. Kune mumwe Mwari kunze kwangu here? Kwete, hakuna rimwe Dombo; hakuna rimwe randinoziva.”
Isaya 44:8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? Imi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi.”
Isaya 44:8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)