Isaya 43:16-17
Isaya 43:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvanzi naJehovha, iye akaita nzira pakati pegungwa, nenzira mukati memvura zhinji, iye akabudisa ngoro namabhiza, hondo pamwe chete nezvinosimbisa, vakavata ipapo, havana kuzombomukazve, vadzimwa, vadzimwa somwenje
Isaya 43:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara pakati pemvura zhinji ine simba; anobudisa ngoro nebhiza, nehondo neane simba; vanovata pasi pamwechete, havangamukizve; havachapfuti, vadzimwa somwenje.
Isaya 43:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTenzi, iye anoita mugwagwa mugungwa, nenzira mukati memvura ine simba, nyakuunza ngoro nebhiza nehondo nomurwi wayo zvigoti pasi umburu pazvisingagoni kumukazve, zvakadzimwa zvikafuridzwa setambo yerambi
Isaya 43:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiɀo ɀinotaura Jehova, unoita nzira muguŋgwa, negwara pakati pemvura zhinji inesimba; unoɓuɗisa ŋgoro nebiza, nehondo nounesimba; ʋanoʋata pasi pamŋe cete, haʋaŋgamuki ɀe; haʋacapfuti, ʋadzimŋa somŋenje.
Isaya 43:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)