Isaya 57:15-16
Isaya 57:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro, iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene: “Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene, asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa, kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika. Handichapi mhosva nokusingaperi, kana kugara ndakatsamwa, nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu, kufema kwomunhu wandakasika.
Isaya 57:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti zvanzi noAkakwirira Arikumusoro, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Dzvene, “Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye noano mweya wakapwanyika anozvininipisa, kuti ndiponesezve mweya woanozvininipisa, ndiponesezve mwoyo wowakapwanyika. Nokuti handingarwi nokusingaperi, handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yandakasika.
Isaya 57:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti zvanzi naNyadenga iye Wokumusorosoro iye Chidzachepo ane zita rokuti Anoera, “Ndinogara kumusoro munzvimbo inoera, uye ndinogarawo navane mwoyo wakapinduka vano mwoyo wokuzvirereka kutimutsurudza mwoyo wavanozvidukupisa nokumutsurudza mwoyo yavanhu vanenge vatendeuka. Ndinodaro nokuti handicharamba ndichingovapa mhosva kana kuramba ndakangovashatirirwa, nokuti kwandiri ini ndokunobva mweya, ndini ndakasika mweya wacho unofema.
Isaya 57:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ɀanzi noWakakwirira Urikumsoro, unogara mukusiŋgaperi, unezita rinonzi Dɀene: Ndinogara pakakwirira napanɀimbo tȿene, ʋuye nounomŋeya wakapxanyika unoɀininipisa, kuti ndiponese ɀe mŋeya wounoɀininipisa, ndiponese ɀe mŋoyo wowakapxanyika. Nokuti handiŋgarwi nokusiŋgaperi, handiŋgatsamŋi ŋguʋa dzose; nokuti mŋeya uŋgapera simba pamberi paŋgu, nemŋeya yandakaita.
Isaya 57:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)